1
Muparidzi 11:9
Shona Bible 1949, revised 2002
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
Compare
Explore Muparidzi 11:9
2
Muparidzi 11:10
Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.
Explore Muparidzi 11:10
3
Muparidzi 11:4
Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
Explore Muparidzi 11:4
4
Muparidzi 11:5
Sezvausingazivi mufambiro wemhepo, kana mukuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
Explore Muparidzi 11:5
5
Muparidzi 11:6
Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
Explore Muparidzi 11:6
6
Muparidzi 11:2
Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
Explore Muparidzi 11:2
Home
Bible
Plans
Videos