YouVersion Logo
Search Icon

2 VaKorinde 12

12
Munzwa mumuviri waPauro
1Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe. 2Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu. 3Uye ndinoziva munhu akadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), 4kuti akakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti aareve. 5Pamusoro pomunhu akadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro poutera hwangu bedzi. 6Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, angati ndiri mukuru kunezvaakaona kana zvaakanzwa kwandiri; 7zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza. 8Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri. 9Iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. 10Naizvozvo ndinofara noutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndino utera, ipapo ndine simba.
Kusazvirangarira kwaPauro
11Ndava benzi; imi mandiroverera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvapostori vanopfuura vose, kunyange ndisi chinhu. 12Zvirokwazvo, zviratidzo zvomupostori zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
13Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
14Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuuya kwamuri; handingakuremedzii; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana. 15Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini nokuda kwemweya yenyu. Kana ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
16Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano. 17Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri? 18Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here?
Pauro anovanyevera
19Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe. 20Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso; 21kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.

Currently Selected:

2 VaKorinde 12: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in