YouVersion Logo
Search Icon

2 VaKorinde 13

13
1Iyi inguva yechitatu, yandinouya kwamuri. “Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.” 2Avo, vatotadza, navamwe vose, ndambovaudza, zvino ndovaudzazve, sezvandakaita parwendo rwechipiri, nokudaro zvino ndinonyora ndisipo kuti kana ndichisvikazve, handingavaitiri mwoyo murefu; 3zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, anotaura mandiri, iye asingashayiwi simba kwamuri, asi ane simba mamuri. 4Nokuti akaroverwa pamuchinjikwa nokushayiwa simba maari, asi anorarama nesimba raMwari. Nokuti nesuo tinoshaiwa simba, asi tichararama kwamuri pamwechete naye nesimba raMwari.
5Zviedzei imi mumene, muone kana muri makasimba pakutenda; muzvinzverei imi mumene. Hamuzivi here imi mumene kuti Jesu Kristu ari mukati menyu? Kana zvimwe mava vakaraswa henyu. 6Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakaraswa. 7Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakaraswa. 8Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi. 9Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba, imi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbirawo, kuti mukwaniswe. 10Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naIshe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
Mashoko okupedzisira
11Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomwoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare achava nemi.
12Kwazisanai nokusveta kutsvene.
13Vatsvene vose vanokukwazisai. 14Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose.

Currently Selected:

2 VaKorinde 13: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in