YouVersion Logo
Search Icon

1 Timoti 5

5
Vatana nechirikadzi
1Usatuke mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun'una, 2navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose. 3Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo. 4Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. 5Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera usiku namasikati.
6Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu. 7Rayirawo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
8Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, arasa kutenda, akaipa kukunda asingatendi.
9Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwechete, 10ino rumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.
11Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa; 12dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga; 13uyezve, dzinodzidza kuva nousimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira. 14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo. 15Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani. 16Kana mukadzi mutendi ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
Vakuru vanobata navanodzidzisa
17Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa. 18Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe inopura;” uyezve, “Mubati wakafanirwa nomubayiro wake.” 19Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. 20Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.
21Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu. 22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, kana kusangana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.
23Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako noutera hwako huzhinji. 24Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo, vamwezve vanoteverwa nazvo.
25Saizvozvowo kuna mabasa akanaka anoonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.

Currently Selected:

1 Timoti 5: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in