YouVersion Logo
Search Icon

Zekaria 11

11
Kucema pamsoro penyika yaJehova icaparadzwa.
1Zarura mikoʋa yako, iwe Rebanoni, kuti mŋoto upedze misidari yako. 2Wuŋgudza iwe musipresi, nokuti musidari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwaɀo yaparadzwa; wuŋgudzai, imi miouki yeBashani, nokuti ɗondo risiŋgabviri kupindwa ratemŋa. 3Inzwai inzwi rokuwuŋgudza kwaʋafudzi! nokuti kukudzwa kwaʋo kwaparadzwa; inzwai inzwi rokuʋomba kwaʋana ʋeshumba! nokuti kuɀikudza kwaJoridani kwaitwa ɗoŋgo.
Mufudzi wakanaka nomufudzi wakaipa.
4Ɀanzi naJehova Mŋari waŋgu: Fudza makwai anozoʋurawa; 5iwo anoʋurawa naʋene ʋawo, ʋasinemhoȿa; ʋanoateŋgesa ʋanoti: Jehova ŋgaaʋoŋgwe, nokuti ndakafuma; ʋafudzi ʋawo haʋanetsitsi nawo. 6Nokuti handicazoʋi netsitsi naʋagere munyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi tarirai, ndicaisa ʋanhu aʋo, mumŋe nomumŋe muruʋoko rwowokwake, nomuruʋoko rwamambo wake; ʋacaparadza nyika, ini ndisiŋgaʋarwiri paruʋoko rwaʋo. 7Saka ini ndakafudza makwai aizoʋurawa, ɀirokwaɀo aiʋa makwai anonzwisa ʋurombo. Ndikatora tȿimbo mbiri, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Kunaka, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Ɀisuŋgo; ndikafudza makwai. 8Ndikaparadza ʋafudzi ʋatatu nomŋedzi mumŋe, nokuti mŋeya waŋgu wakaŋga waneta naʋo, nemŋeya yaʋo yakandisema ʋo. 9Ipapo ndikati: Handicaɗi kukufudzai; cinoɗa kufa ŋgacife haco, cinofanira kuparadzwa, ŋgaciparadzwe haco; akasara ŋgaadye mumŋe nomumŋe nyama yomumŋe. 10Ipapo ndikatora tȿimbo yaŋgu yainzi Kunaka, ndikaivuna‐vuna, kuti ndiputse suŋgano yaŋgu yandakaŋga ndaita nendudzi dzose dzaʋanhu. 11Ikavuniwa nezuʋa iro; naiɀoɀo marombo pakati pamakwai, akanditerera, akaziʋa kuti ishoko raJehova. 12Ndikati kwaʋari: Kana muciti ɀakanaka, cindipai muɓairo waŋgu; kana ɀisakanaka, regai. Ipapo ʋakandiyerera muɓairo waŋgu, masirveri anamakumi matatu. 13Jehova akati kwandiri: Ciɀikandira kumuʋumbi wehari; ndiwo muteŋgo wakanaka wandakateŋgwa nawo naʋo. Ini ndikatora masirveri anamakumi matatu, ndikaakandira kumuʋumbi wehari mumba maJehova. 14Ipapo ndikavuna‐vuna imŋe tȿimbo yaŋgu, yainzi Ɀisuŋgo, kuti ndiputse ʋukama bgaiʋa pakati paJuda naIsraeri.
15Ipapo Jehova akati kwandiri: Citora ɀe nhumbi dzomufudzi ɓenzi. 16Nokuti tarirai, ndicamutsa panyika ino mufudzi usiŋgaʋi nehanya naakarashika, kana kutȿaka akapararira, kana kurapa akavunika, kana kufudza anofara; asi ucadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo. 17Unenhamo mufudzi usinamaturo, unosiya makwai! Munondo ucatema ruʋoko rwake neziso rake rorudyi; ruʋoko rwake rucawoma cose, ʋuye ziso rake rorudyi ricaȿiɓirwa cose.

Currently Selected:

Zekaria 11: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

Video for Zekaria 11