Zekaria 12
12
Ʋanhu ʋaJehova ʋacazoropafadzwa.
1Cireʋo ceshoko raJehova pamsoro paIsraeri.
Ɀanzi naJehova, iye unotatamura ɗeŋga rose, unoteya nheyo dzenyika, nokuʋumba mŋeya womunhu mukati make: 2Tarirai, ndicaita Jerusarema mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza; ucaʋa ʋo pamsoro paJuda pakukombga kweJerusarema. 3Nezuʋa iro ndicaita Jerusarema ibge rinoremedza ndudzi dzose dzaʋanhu; ʋose ʋanoɀitakudza iro ʋacakuʋadzwa kwaɀo; ndudzi dzose dzenyika dzicariʋuŋganira kuzorwa naro. 4Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa biza rimŋe nerimŋe nokutya, nomutaȿi waro nokupeŋga; ndicaȿinudzira imba yaJuda meso aŋgu, nokuroʋa biza rimŋe nerimŋe rendudzi dzaʋanhu nokupofumara. 5Ipapo madzishe aJuda acati mumŋoyo maʋo: Ʋagere Jerusarema ndiʋo simba reɗu munaJehova wehondo, Mŋari waʋo. 6Nezuʋa iro ndicaita madzishe aJuda segaŋgo romŋoto pakati pehuni, ʋuye sezhenje romŋoto pakati peɀisote; ʋacaparadza ndudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza, kuruʋoko rworudyi nokuruʋoko rworuɓoshwe; ʋeJerusarema ʋacagara ɀe panɀimbo yaʋo, ipo paJerusarema. 7Jehova ucataŋga kuponesa ʋo matente aJuda, kuti kukudzwa kweimba yaDavidi nokukudzwa kwaʋagere Jerusarema kurege kupfuʋura kukudzwa kwaJuda. 8Nezuʋa iro Jehova ucadzitira ʋagere Jerusarema; unoshaiwa simba pakati paʋo nezuʋa iro ucaʋa saDavidi; imba yaDavidi icaʋa saMŋari, somutumŋa waJehova pamberi paʋo. 9Ɀino nezuʋa iro ndicatȿaka kuparadza ndudzi dzose dzaʋanhu dzinomukira Jerusarema. 10Ndicaɗira mŋeya wenyasha nowokunyeŋgetera pamsoro peimba yaDavidi, napamsoro paʋagere Jerusarema; ʋacanditarira ini, waʋakabvoʋora; ʋacamucema iye, somunhu unocema mŋanakomana wake mumŋe cete, ʋacaʋa neshuŋgu kwaɀo pamsoro pake, somunhu uneshuŋgu pamsoro pomŋana wake weɗaŋgwe. 11Nezuʋa iro paJerusarema pacaʋa nokucema kukuru, sokucema kweHadadi‐Rimoni mumupata waMegidoni. 12Nyika icacema, ʋeimba imŋe neimŋe ʋari ʋoga; ʋeimba yaDavidi ʋari ʋoga, naʋakadzi ʋaʋo ʋari ʋoga, ʋeimba yaNatani ʋari ʋoga, naʋakadzi ʋaʋo ʋari ʋoga; 13naʋeimba yaRevi ʋari ʋoga, naʋakadzi ʋaʋo ʋari ʋoga; ʋeimba yaʋaShimei ʋari ʋoga, naʋakadzi ʋaʋo ʋari ʋoga; 14nedzimba dzose dzakasara, ʋeimba imŋe neimŋe ʋari ʋoga, naʋakadzi ʋaʋo ʋari ʋoga.
Currently Selected:
Zekaria 12: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018