Rute 3
3
Rute unotumŋa kundokumbira kuti Boazi aʋadzikinure.
1Ɀino Naome, ʋamŋene ʋake, akati kwaari: Mŋanasikana waŋgu, handifaniri kukutȿakira zororo, kuti ufare here? 2Ɀino Boazi, kwawakaŋga uri kuʋasikana ʋake, haizi hama yeɗu here? Tarira iye ucarudza bari maɗekwanano paɓuriro. 3Ɀino ciɀishambidza, uzore mafuta, ufuke ŋguʋo dzako, ndokuɓurukira kuɓuriro; asi usaɀiratidza kumurume uyo, kuȿikira apedza kudya nokunwa. 4Ɀino kana iye acindoʋata, iwe unofanira kucerekedza paanondoʋata, ugoenda ndokufukura tsoka dzake, ndokuʋata’po pasi; iye ucakuʋudza ɀaucafanira kuita. 5Akati kwaari: Ɀose ɀamunondiʋudza ndicaɀiita. 6Ipapo akaɓurukira kuɓuriro, akandoita ɀose ɀaakaŋga arairwa naʋamŋene ʋake. 7Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi. 8Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake. 9Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba. 10Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi. 11Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo. 12Ɀino iɀo ɀirokwaɀo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kuneimŋe hama iri pedyo kupfuʋure’ni. 13Ʋata hako ʋusiku bguno; ɀino maŋgwana, kana iye aciɗa kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndiɀo haɀo; ŋgaaite ɀinofanira kuitwa nehama; asi kana asiŋgaɗi kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ini ndicakuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehova mupenyu; ciʋata hako kuȿikira maŋgwana. 14Iye akaʋata patsoka dzake kuȿikira maŋgwanani, akamuka ʋanhu ʋacigere kunatso‐ʋona. Nokuti wakati: Ŋgaɀirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakaʋuya paɓuriro. 15Akati: Ʋuya neŋguʋo yawakafuka, uiɓate; akaiɓata, iye akayera ɀiyero ɀitanhatu ɀebari, akamutakudza iɀo, akapinda muguta. 16Ɀino wakati aciȿika kuʋamŋene ʋake, iʋo ʋakati: Ɀazoɗiniko mŋana waŋgu? akaʋaʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa nomurume uya. 17Akati: Iye wandipa ɀiyero iɀi ɀitanhatu ɀebari, nokuti wakati: Usaenda kuʋamŋene ʋako usinecinhu. 18Ɀino ʋakati: Cigara hako, mŋana waŋgu, kuȿikira waʋona mugumo weshoko iri; nokuti murume uyu haaŋgazorori kuȿikira apedza shoko iri nhasi.
Currently Selected:
Rute 3: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018