Rute 2
2
Rute unosoŋgana naBoazi.
1Ɀino Naome wakaŋga anehama yomurume wake, murume wakaŋga anesimba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Boazi. 2Rute muMoabi akati kunaNaome: Nditenderei ndiende kumunda, ndindoʋuŋganidza hura dzeɀiyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari: Enda hako, mŋana waŋgu. 3Iye akaenda, akandoʋuŋganidza pamunda aciteʋera ʋaceki; akaʋa neropa rakanaka kuti wakaȿika pamunda waBoazi weimba yaErimereki. 4Ɀino ʋonei, Boazi wakabva Beti‐rehemi, akati kuʋaceki: Jehova aʋe nemi. Iʋo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Jehova akuropafadzei ʋo. 5Boazi akati kumuranda wake wakaŋga ari mutariri waʋaceki: Musikana uyu ndowaniko? 6Muranda, wakaŋga ari mutariri waʋaceki, akapindura, akati: Ndiye musikana muMoabi, wakadzoka naNaome ʋacibva kunyika yaMoabi; 7iye akati: Nditenderei ʋo ndiʋuŋganidze, ndinoŋge shure kwaʋaceki pakati peɀisote; naiɀoɀo akaʋuya, akaswera’po kubva maŋgwanani kuȿikira ɀino; asi wakagara mumba ŋguʋa ɗuku. 8Ipapo Boazi akati kunaRute: Cinzwa hako, mŋanasikana waŋgu. Usandoʋuŋganidza kunomumŋe munda, ʋuye usabva pano, asi urambire pano kuʋasikana ʋaŋgu. 9Meso ako ŋgaarambe acitarira munda waʋanoceka, newe uʋateʋere; ndakaraira majaya aŋgu kuti ʋarege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya. 10Ipapo akawira pasi neciso cake, akakotamira pasi, akati kwaari: Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muʋe nehanya neni, ɀandiri mutorwa haŋgu? 11Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare. 12Jehova ŋgaakuripire seɀawakaɓata, upiwe muɓairo wakakwana naJehova Mŋari waIsraeri, wawakaʋuya kuzoʋanda pasi pamapapiro ake. 13Iye akati: Ndinzwirwe haŋgu nyasha nemi, ishe waŋgu; nokuti makandinyaradza, mukataura ɀakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyaŋge ndisina‐kufanana nomumŋe waʋarandakadzi ʋenyu. 14Neŋguʋa yokudya Boazi akati kwaari: Ʋuya pano, udye ciŋgwa, useʋere musuʋa wako muvinega. Iye akagara naʋaceki, iʋo ʋakamugamucidza ɀiyo ɀakakaŋgwa, akadya, akaguta, akasiya ɀimŋe. 15Ɀino wakati asimuka kuzoʋuŋganidza ɀiyo, Boazi akaraira majaya ake, akati: Ŋgaaʋuŋganidze hake kunyaŋge napakati peɀisote, musamudziʋisa. 16Mumuvomorere ʋo dzimŋe hura patsama, mudzisiye, aʋuŋganidze hake, musamutuka. 17Naiɀoɀo akaʋuŋganidza pamunda kuȿikira maɗekwana; akandopura ɀaakaʋuŋganidza, ɀikaʋaʋarira kuȿika efa#2:17 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. imŋe yebari. 18Akaɀisimudza, ndokupinda muguta; ʋamŋene ʋake ʋakaʋona ɀaakaŋga aʋuŋganidza; akaɓuɗisa ʋo ɀakaŋga ɀasara aguta hake, akaʋapa iɀo. 19Ipapo ʋamŋene ʋake ʋakati kwaari: Wandoʋuŋganidzepiko nhasi? Wandoɓate‐ɓasa kupiko? Iye wakaʋa nehanya newe ŋgaaropafadzwe. Akaʋudza ʋamŋene ʋake kuti wakandoɓate‐ɓasa kunani, akati: Zita romurume wandakandoɓata kwaari nhasi ndiBoazi. 20Naome akati kumukadzi womŋana wake: Ŋgaaropafadzwe naJehova, iye usina‐kubvisa ŋgoni dzake kuʋapenyu naʋakafa. Naome akati kwaari: Murume uyu ihama yeɗu yomumba, mumŋe waʋadzikinuri ʋeɗu. 21Rute muMoabi akati: Hoŋo, wakati kwandiri: Unofanira kurambira kumajaya aŋgu, kuȿikira ʋapedza kuceka ɀose ɀaŋgu. 22Naome akati kunaRute, mukadzi womŋana wake: Ɀakanaka mŋana waŋgu, kuti uende naʋasikana ʋake, urege kuʋonekwa kunomumŋe munda. 23Naiɀoɀo akarambira kuʋasikana ʋaBoazi, akaʋuŋganidza kuȿikira pakupera kwokucekwa kwebari nokucekwa kweɀiyo; akagara naʋamŋene ʋake.
Currently Selected:
Rute 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018