YouVersion Logo
Search Icon

ƲaRoma 9

9
Kusatenda kwaʋaJuda nokurashwa kwaʋo.
1Ndinotaura ɀirokwaɀo munaKristu, handireʋi nhema, hana yaŋgu icindipupurira muMŋeya Mutȿene, 2kuti ndineshuŋgu kwaɀo nokucema kusiŋgaperi mumŋoyo maŋgu. 3Nokuti ndaiɗa kuti ini ndimene ndiʋe munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuɗa kwehama dzaŋgu, iʋo ʋorudzi rwaŋgu panyama; 4ndiʋo ʋaIsraeri; kuʋa ʋana, nokubginya, nesuŋgano, nokupiwa murairo, nokunamata Mŋari, neɀipikirwa, ndeɀaʋo; 5madziɓaɓa ndaaʋo, naKristu wakabva kwaʋari panyama, uri pamsoro paʋose, Mŋari unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni. 6Asi handiti shoko raMŋari rakakona. Nokuti ʋakabva kuʋaIsraeri haʋazi ʋaIsraeri ʋose; 7naʋari ʋorudzi rwaAbrahama haʋazi ʋana ʋake ʋose; asi ɀinonzi: KunaIsaka ndiko kucatumidzwa rudzi rwako. 8Ndokuti haʋazi ʋana ʋenyama ʋari ʋana ʋaMŋari; asi ʋana ʋokupikirwa, ndiʋo ʋanonzi rudzi. 9Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Neŋguʋa yakaita seino ndicaʋuya, Sara ucaʋa nomŋanakomana. 10Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu — 11nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana, 12ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku. 13Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga.
14Ɀino ticatiyiko? Kusarurama kuri’po kunaMŋari here? Haiȿa! 15Nokuti unoti kunaMosesi: Ndicanzwira ŋgoni wandinonzwira ŋgoni, ndicanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi. 16Naiɀoɀo haɀibʋi kunounoɗa, kana kunounomhanya, asi kunaMŋari, munzwiri weŋgoni. 17Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndiɀo ɀandakakumutsira, kuti ndiratidze simba raŋgu kwauri, ʋuye kuti zita raŋgu riparidzwe panyika yose. 18Naiɀoɀo unonzwira ŋgoni waanoɗa; ʋuye unowomesera mŋoyo waanoɗa.
19Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake? 20Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai? 21Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa? 22Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, 23kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya, 24iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo? 25Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti:
Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu,
ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu;
Naiye wakaŋga asi muɗikanwa,
ndicamuidza muɗikanwa.
26Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu,
Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.
27NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa; 28nokuti Ishe ucaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza. 29Seɀaakamboreʋa Isaya ʋo, aciti:
Ƌai Ishe wehondo asina‐kutisiyira rudzi,
Tiŋgaɗai takaʋa seSodoma, takaitwa seGomora.
30Ɀino ticatiyiko? Ticati, ʋahedeni ʋasina‐kutȿaka kururama, ndiʋo ʋakawana kururama, iko kururama kwokutenda; 31asi ʋaIsraeri ʋakati ʋacitȿaka murairo wokururama, haʋanakuȿika pamurairo iwoyo. 32Neiko? Nokuti haʋana‐kuutȿaka nokutenda, asi ɀineŋge namaɓasa aʋo. Ʋakagumburwa nebge rinogumbusa. 33Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Tarira, ndinoisa paZioni ibge rokugumbusa, neɗombo rokupiŋganidza;
Unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.

Currently Selected:

ƲaRoma 9: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in