ƲaRoma 10
10
1Hama dzaŋgu, kuɗa kwomŋoyo waŋgu nokukumbira kwaŋgu kunaMŋari pamsoro paʋo ndiko, kuti ʋaponeswe. 2Nokuti ndinoʋapupurira kuti ʋanoshiŋgairira Mŋari, asi haʋaiti nokuziʋa. 3Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari. 4Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe. 5Nokuti Mosesi unonyora, aciti, munhu, unoita kururama, kunorebga nomurairo, ucararama naɀo. 6Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreʋa kuɗai: Usati mumŋoyo mako: Ndianiko ucakwira kuɗeŋga? (ndiko kuɓurusa Kristu;) 7kana, ndianiko ucaɓurukira kwakadzika‐dzika? (ndiko kuɓuɗisa Kristu kuʋakafa.) 8Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; 9kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa; 10nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. 11Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. 12Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari; 13nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa. 14Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi? 15Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka?
16Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? 17Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu. 18Asi ndinoti: Haʋanakunzwa here? Hoŋo, ɀirokwaɀo,
Inzwi raʋo rakaɓuɗa kunyika yose,
Namashoko aʋo kumigumo yenyika.
19Asi ndinoti: ƲaIsraeri haʋana‐kuziʋa here? Pakutaŋga Mosesi unoti:
Ndicamutsa goɗo renyu norudzi rusati ruri rudzi,
Ndicamutsa kutsamŋa kwenyu norudzi rusiŋganzwisisi.
20NaIsaya, asiŋgatyi, unoti:
Ndakawanikwa naʋasina‐kunditȿaka,
Ndakaʋonekwa naʋasina‐kundibvunza.
21Asi kuʋaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kuʋanhu ʋasiŋgatereri, naʋanokakaʋara.
Currently Selected:
ƲaRoma 10: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018