YouVersion Logo
Search Icon

ƲaRoma 11

11
ƲaIsraeri ʋacadzokera ɀe kunaMŋari.
1Ɀino ndinoti: Ko Mŋari wakarasha ʋanhu ʋake here? Haiȿa! Nokuti neni ʋo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbrahama, weimba yaBenjamini. 2Mŋari haanakurasha ʋanhu ʋake ʋaakaziʋa pakutaŋga. Ko hamuziʋi kuti Rugwaro runoti kuɗini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMŋari pamsoro paʋaIsraeri, aciti: 3Ishe, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, ʋakaputsa artari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, ɀino ʋanotȿaka kundiʋuraya. 4Asi Mŋari unomupindureiko? Unoti: Ndakaɀisiyira ʋarume ʋaneɀuru ɀinomŋe, ʋasina‐kufugamira Baari. 5Ɀino, saiɀoɀo neŋguʋa ino ʋo ʋari’ko ʋakasara, ʋakasanaŋgurwa nenyasha. 6Ɀino kana kusanaŋgura kuri kwenyasha, hakuzati kuciri kwamaɓasa; kana ɀisakaɗaro, nyasha hadziciri nyasha. 7Ɀino ticatiyiko? ƲaIsraeri haʋana‐kuwana ɀaʋakaŋga ʋacitȿaka, asi ʋakasanaŋgurwa ndiʋo ʋakaɀiwana; ʋamŋe ʋakawomeswa, 8seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Mŋari wakaʋapa mŋeya wehope; meso, kuti ʋarege kuʋona, nenzeʋe, kuti ʋarege kunzwa, kuȿikira zuʋa ranhasi. 9NaDavidi ʋo unoti:
Tafura yaʋo ŋgaiitwe musuŋgo,
neriʋa,
Necigumbuso, necinotsiʋa kwaʋari:
10Meso aʋo ŋgaaȿiɓirwe, ʋarege kuʋona;
Mukotamise misana yaʋo misi yose.
11Ɀino ndinoti: Ʋakagumbuswa kuti ʋawe here? Haiȿa! Asi nokuwa kwaʋo ruponeso rwakaȿika kuʋahedeni, kuti ʋamutsirwe goɗo. 12Ɀino kana kuwa kwaʋo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwaʋo kwakafumisa ʋahedeni, ɀikuru sei kuzara kwaʋo?
13Ndinotaura kwamuri, imi ʋahedeni. Ɀandiri muapostora waʋahedeni, ndinokudza ɓasa raŋgu. 14Ɀimŋe ndiŋgamutsa goɗo kunaʋenyama yaŋgu, ndiponese ʋamŋe ʋaʋo. 15Nokuti kana kurashwa kwaʋo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamucirwa kwaʋo kucagoʋeiko, asi ʋupenyu pakufa? 16Ɀino kana ciɓereko cokutaŋga ciri citȿene, ɓundu rose rakaɗaro ʋo; kana mudzi uri mutȿene, mataʋi akaɗaro ʋo. 17Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi; 18usaɀikudza pamsoro pamataʋi; kana uciɀikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. 19Ɀino iwe ucati, mataʋi akavuniwa, kuti ini ndiɓatanidzwe. 20Ndiɀoɀo; ʋakavuniwa nokusatenda kwaʋo, iwe unomira nokutenda kwako. Usaɀikudza, asi utye; 21nokuti kana Mŋari asina‐kurega mataʋi okutaŋga, haaŋgakuregi newe ʋo. 22Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo. 23Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe. 24Nokuti kana iwe wakatemŋa kumuorivi, uri wokuɗondo pakusikwa kwawo, ukaɓatanidzwa pamuorivi wakanaka, ɀicipesana nokusikwa kwaɀo — ɀikuru sei aʋa ʋariʋomuti iwoyo umene, ʋaŋgaɓatanidzwa pamuorivi waʋo!
25Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda; 26naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi:
PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri;
Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo;
27Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo,
Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo.
28Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa. 29Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi. 30Nokuti semi kare makaŋga musiŋgatereri Mŋari, asi ɀino makanzwirwa ŋgoni nokusaterera kwaʋo, 31saiɀoɀo naiʋo ɀino haʋana‐kuterera, kuti neŋgoni dzakaitirwa imi naiʋo ʋanzwirwe ʋo ŋgoni. 32Nokuti Mŋari wakaʋapfigira ʋose pakusaterera kwaʋo, kuti aʋanzwire ŋgoni ʋose.
33Haiwa kufuma kwokucenjera nokuziʋa kwaMŋari kwakadzika sei! Kutoŋga kwake hakuŋganɀerwi, nenzira dzake hadziŋgarondwi! 34Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe? Ndianiko wakaŋga ari murairi wake? 35Ndianiko wakataŋga kumupa, kuti aripirwe ɀe? 36Nokuti ɀose ɀinobva kwaari, ɀiri’po naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi. Ameni.

Currently Selected:

ƲaRoma 11: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in