YouVersion Logo
Search Icon

Ɀakazarurwa 17

17
Kuputsika kweBabironi, mhombge huru.
1Ɀino mumŋe waʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanendiro nomŋe, akaʋuya akataura neni, aciti: Ʋuya pano, ndicakuratidza kutoŋgwa kwemhombge huru, inogara pamsoro pemvura zhinji; 2madzimambo enyika akaita ʋupombge nayo, naʋanogara panyika ʋakaɓatwa newaini yoʋupombge bgayo. 3Ipapo wakandiisa kurenje mumŋeya, ndikaʋona mukadzi akataȿa cikara citȿuku, cizere namazita okumhura Mŋari, cinemisoro minomŋe nenyaŋga gumi. 4Mukadzi wakaŋga akapfeka ŋguʋo tȿuku neshaʋa, akashoŋga ndarama namabge anokosha, namaparera, nomuruʋoko rwake makaŋga munomudziyo wendarama uzere neɀinonyaŋgadza netȿina yoʋupombge bgake. 5Pahuma yake pakaŋga pakanyorwa zita rakaʋanzika iri: BABIRONI, GUTA GURU, MAI ƲEMHOMBGE NAƲEⱿINONYAŊGADZA ⱿENYIKA. 6Ipapo ndakaʋona mukadzi akaɓatwa neropa raʋatȿene, ʋuye neropa reɀapupu ɀaJesu; ndikati ndicimuʋona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. 7Ipapo mutumŋa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndicakuʋudza ɀakaʋanzika ɀomukadzi, neɀecikara cinomutakura cinemisoro minomŋe nenyaŋga dzinegumi. 8Cikara cawaʋona, caiʋa’po, hacici’po; coɗo‐kukwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika kundoparadzwa; ʋanogara panyika ʋasina‐kunyorwa mazita aʋo mubuku yoʋupenyu kubva pakusikwa kwenyika, ʋacashamiswa kana ʋaciʋona cikara, kuti caiʋa’po, hacici’po, ʋuye cicazoʋa’po. 9Ndipo panokufuŋga kunenjere. Misoro minomŋe ndiwo makomo manomŋe, anogarwa nomukadzi. 10Ndiwo madzimambo manomŋe; ʋashanu ʋawa, mumŋe uri’po, mumŋe ugere kuȿika; kana aciȿika, unofanira kugara ciŋguʋa ciɗuku. 11Cikara caiʋa’po, cisisi’po, ndiye worusere, mumŋe waʋanomŋe, unondoparadzwa. 12Nyaŋga dzinegumi dzawaʋona, ndiwo madzimambo anegumi, acigere kupiwa ʋushe, asi ʋacapiwa simba samadzimambo pamŋe cete necikara ŋguʋa imŋe. 13Iʋo ʋanendaŋgariro imŋe, ʋanopa cikara simba raʋo noʋushe bgaʋo. 14Aʋa ʋacarwa neGwaiana, Gwaiana ricaʋakunda; nokuti iro ndiShe wamadzishe, namambo wamadzimambo; naiʋo ʋanaro ndiʋanhu ʋakaɗanwa, ʋatȿene, ʋakatendeka. 15Ɀino akati kwandiri: Mvura yawaʋona, inogarwa nemhombge, ndiʋo ʋanhu, naʋazhinji, namarudzi, nendimi. 16Nyaŋga dzinegumi dzawaʋona, necikara, ndiʋo ʋacaʋeŋga mhombge, ʋacaiparadza, nokuitorera ŋguʋo; ʋacadya nyama yayo, nokuipisa nomŋoto. 17Nokuti Mŋari wakaisa mumŋoyo yaʋo kuti ʋaite kuraŋgarira kwake, ʋaʋe nokuraŋgarira kumŋe, ʋape cikara ʋushe bgaʋo, kuȿikira mashoko aMŋari aitika. 18Mukadzi wawaʋona ndiro guta guru, rinoɓata ʋushe bgamadzimambo enyika.

Currently Selected:

Ɀakazarurwa 17: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in