Ɀakazarurwa 16
16
1Ɀino ndakanzwa inzwi guru ricibva mutembere, riciti kuʋatumŋa ʋanomŋe: Endai, mundoɗurura panyika ndiro nomŋe dzokutsamŋa dzaMŋari.
2Wokutaŋga akaenda, akaɗurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikaʋa’po paʋanhu ʋakaŋga ʋaneciratidzo cecikara, ʋakanamata mufananidzo waco.
3Wecipiri akaɗurura ndiro yake paguŋgwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; neɀipenyu ɀose ɀakaŋga ɀiri muguŋgwa ɀikafa.
4Wecitatu akaɗurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa. 5Ndikanzwa mutumŋa wemvura aciti: Imi, Makarurama, muri’po, namakaŋga muri’po, Mutȿene, nokuti makatoŋga saiɀoɀo. 6Nokuti ʋakaɗurura ropa raʋatȿene neraʋaprofita, mukaʋapa ropa, kuti ʋanwe; ʋakafanirwa naiɀoɀo. 7Ndikanzwa artari riciti: Hoŋo, Ishe, Mŋari wamasimba ose, kutoŋga kwenyu ndokwaɀokwaɗi kwakarurama.
8Ɀino wecinna akaɗurura ndiro yake pamsoro pezuʋa, rikapiwa simba kuti ripise ʋanhu nomŋoto. 9Ʋanhu ʋakapiswa nokupisa kukuru, ʋakamhura zita raMŋari, unesimba pamsoro pamaɗambudziko awa; haʋana‐kutendeʋuka, kuti ʋamukudze.
10Wecishanu akaɗurura ndiro yake pamsoro pecigaro coʋushe cecikara; ʋushe bgaco bgukaȿiɓiswa, ʋakatseŋga marimi aʋo nokurwadzwa; 11ʋakamhura Mŋari wokuɗeŋga pamsoro pokurwadzwa kwaʋo namaronda aʋo; asi haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa aʋo.
12Ɀino wecitanhatu akaɗurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapxa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuʋa dzigadzirwe. 13Ipapo ndakaʋona mŋeya yetȿina mitatu yakaita samatafi icibva mumuromo weshato nomumuromo wecikara, nomumuromo womuprofita wenhema; 14nokuti ndiyo mŋeya yakaipa inoita ɀiratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, kuʋakokera kukurwa pazuʋa iro guru raMŋari wamasimba ose. 15Tarira, ndinoʋuya sembava. Wakaropafadzwa unorinda, unoceŋgeta ŋguʋo dzake, kuti arege kufamba asina‐kupfeka, ʋaʋone nyadzi dzake. 16Akaʋaʋuŋganidzira panɀimbo inonzi Harmagedoni neciHeberu.
17Ɀino wecinomŋe akaɗurura ndiro yake muɗeŋga, inzwi guru rikaɓuɗa mucigaro coʋushe, riciti: Ɀapera! 18Ipapo mheni yakaʋa’po, namanzwi nokutinhira; nokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru kwakaʋa’po; kuɗeŋgenyika kwenyika kwakakura‐kura kukaɗai hakuna‐kumboʋa’po kubva pakusikwa kwaʋanhu panyika. 19Guta guru rikakamurwa rikaita ɀikamu ɀitatu, maguta amarudzi akaputsika; Babironi guta guru rikaraŋgarirwa pamberi paMŋari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamŋa kwehasha dzake. 20Ɀiwi ɀose ɀikatiza, namakomo haana‐kuwanikwa. 21Cimvuramabge cikuru, cinobva kuɗeŋga, cikawira pamsoro paʋanhu, kurema kwebge rimŋe nerimŋe kukaita setarenta#16:21 Mapaundi aneŋge zana.; ʋanhu ʋakamhura Mŋari nokuɗa kweɗambudziko recimvuramabge, nokuti ɗambudziko raco raiʋa guru kwaɀo.
Currently Selected:
Ɀakazarurwa 16: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018