YouVersion Logo
Search Icon

Ɀakazarurwa 13

13
Cikara cakabʋa muguŋgwa.
1Ɀino ndakaʋona cikara cicikwira cicibva muguŋgwa, cinenyaŋga dzinegumi nemisoro minomŋe; napamsoro penyaŋga dzaco pakaŋga panekorona dzinegumi, napamsoro pemisoro yaco mazita okumhura Mŋari. 2Cikara ici candakaʋona, cakaŋga cakaita seŋgwe; netsoka dzaco sedzeɓere, nomuromo waco somuromo weshumba; shato ikacipa simba rayo, necigaro cayo coʋushe, namasimba makuru. 3Mumŋe musoro waco wakaŋga wakaita sowakakuʋadzwa kuȿikira parufu; asi ʋaŋga, raifanira kuʋuraya, rakaŋga rapora; nyika yose ikashamiswa ikateʋera cikara. 4Ʋakanamata shato, nokuti yakapa cikara masimba; ʋakanamata cikara, ʋaciti: Ndianiko wakafanana necikara? Ndianiko unogona kurwa naco? 5Ipapo cakapiwa muromo unotaura mashoko makuru neɀokumhura; cikapiwa simba kuti ciɀiite mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri. 6Cikashamisa muromo waco kuti cimhure Mŋari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naiʋo ʋanogara kuɗeŋga. 7Cikapiwa masimba ʋo kuti cirwe naʋatȿene, nokuʋakunda; cikapiwa masimba ʋo pamsoro pamarudzi ose, naʋanhu ʋose, nendimi dzose, nendudzi dzose. 8Ʋose ʋanogara panyika ʋacacinamata, iʋo ʋasinakunyorerwa zita raʋo mubuku yeGwaiana rakaɓayiwa kubva pakusikwa kwenyika. 9Unenzeʋe, ŋgaanzwe. 10Kana munhu acitapa, ucatapxa; kana munhu aciʋuraya nomunondo unofanira kuʋurawa nomunondo. Ndipo panokutsuŋgirira nokutenda kwaʋatȿene.
Cikara cakabʋa panyika.
11Ɀino ndakaʋona cimŋe cikara cicikwira, cicibva panyika; cakaŋga cinenyaŋga mbiri segwaiana, cikataura seshato. 12Cinoɓata namasimba ose ecikara cokutaŋga pamberi paco. Cinomanikidza nyika naʋagere mukati mayo kuti ʋanamate cikara cokutaŋga, ciya cakapora ʋaŋga rokuʋuraya raco. 13Cinoita ɀiratidzo ɀikuru, ɀokuti cinoɓurusira mŋoto unobva kuɗeŋga panyika pamberi paʋanhu; 14cinonyeŋgera ʋanogara panyika neɀiratidzo ɀacakapiwa kuti ciɀiite pamberi pecikara; ciciti kunaʋanogara panyika kuti ʋaitire cikara mufananidzo, ciya cakaŋga cineʋaŋga romunondo cikararama. 15Cikapiwa masimba okupa mufananidzo wecikara mŋeya, kuti mufananidzo wecikara utaure, ciraire kuti ʋose ʋasiŋganamati mufananidzo wecikara ʋaʋurawe. 16Cinomanikidza ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, ʋafumi naʋarombo, ʋakasunuŋguka naʋaranda, kuti ʋapiwe ciratidzo muruʋoko rwaʋo rworudyi, kana pahuma yaʋo; 17kuti munhu arege kuʋa’po unogona kuteŋga nokuteŋgesa, asi iye uneciratidzo, iro zita recikara kana ciʋereŋgo cezita raco. 18Ndipo panokucenjera. Unoziʋa, ŋgaaʋereŋge ciʋereŋgo cecikara; nokuti ciʋereŋgo ndecomunhu; ciʋereŋgo caco ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Currently Selected:

Ɀakazarurwa 13: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in