YouVersion Logo
Search Icon

Ɀakazarurwa 12

12
Mukadzi neshato.
1Ɀino kuɗeŋga kwakaʋonekwa ciratidzo cikuru ici: Mukadzi, wakaŋga akapfeka zuʋa, mŋedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri; 2iye wakaŋga anemimba, akaɗanidzira pakupona kwake, acitambudzika pakuɀara. 3Ipapo kuɗeŋga kwakaʋonekwa cimŋe ciratidzo ici: Tarira, shato huru tȿuku, inemisoro minomŋe, nenyaŋga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomŋe. 4Rumhinda rwayo rukakweʋa cetatu cenyeredzi dzokuɗeŋga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakaŋga oɀara, kuti iparadze mŋana wake kana aɀara. 5Akaɀara mŋana womukomana, unozofudza marudzi ose netȿimbo yeɗare; mŋana wake ndokutorwa kunaMŋari, nokucigaro cake coʋushe. 6Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nɀimbo naMŋari, kuti ʋamuceŋgete’po mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu.
7Ɀino kurwa kwakaʋa’po kuɗeŋga; Mikaeri naʋatumŋa ʋake ʋakarwa neshato, shato ikarwa inaʋatumŋa ʋayo; 8ʋakasakunda, nenɀimbo yaʋo hainakuzowanikwa kuɗeŋga. 9Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo. 10Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku. 11Iʋo ʋakamukunda neropa reGwaiana, ʋuye neshoko rokupupura kwaʋo; haʋana‐kuɗa ʋupenyu bgaʋo kuȿikira parufu. 12Saka farai kuɗeŋga nemi munogara’ko. Munenhamo imi nyika neguŋgwa, nokuti mŋeya wakaipa wakaɓurukira kwamuri, akatsamŋa kwaɀo, nokuti unoziʋa kuti ucineŋguʋa ɗuku.
13Shato yakati yaʋona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakaɀara mŋana womukomana. 14Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka. 15Ipapo nyoka yakaɓuɗisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. 16Ipapo nyika yakaɓatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakaɓuɗiswa neshato mumuromo mayo. 17Ɀino shato yakatsamŋira mukadzi, ikaenda kundorwa naʋamŋe ʋana ʋake, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari, naʋanoɓata kupupura kwaJesu. 18Ikamira pajeca reguŋgwa.

Currently Selected:

Ɀakazarurwa 12: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in