YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 139

139
Jehova Muziʋi noMuʋoni weɀose.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.
1Jehova, imi makandinɀera, nokundiziʋa.
2Munoziʋa kugara kwaŋgu pasi nokusimuka kwaŋgu,
Munonzwisisa kufuŋga kwaŋgu muri kure.
3Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi,
Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose.
4Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu,
Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose.
5Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi,
Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu.
6Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo;
Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri.
7Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu?
Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu?
8Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po;
Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo.
9Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani,
Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa;
10Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa,
Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa,
11Kana ndikati: Ɀirokwaɀo, rima ricandifukidza,
Ciedza cinondikomberedza cicaʋa soʋusiku;
12Kunyaŋge rima hariŋgandiʋanzi kwamuri,
Asi ʋusiku ʋunopenya samasikati;
Rima neciedza ɀakafanana.
13Nokuti imi makaʋumba itȿo dzaŋgu;
Makandiruka muɗumbu ramai ʋaŋgu.
14Ndicakuʋoŋgai; nokuti ndakaitwa nomutoʋo unotyisa unoshamisa;
Maɓasa enyu anoshamisa;
Mŋeya waŋgu unoɀiziʋa kwaɀo.
15Mafupa aŋgu akaŋga asina kuʋanzwa kwamuri,
Paŋguʋa yandakaitwa pakaʋanda,
Pakuʋumbga kwaŋgu nenjere panɀimbo dzezasi dzapasi.
16Meso enyu akaʋona muʋiri waŋgu ucigere kukwaniswa,
Ɀose ɀakaŋga ɀakanyorwa murugwaro rwenyu,
Zuʋa rimŋe nerimŋe rokuʋumbga kwaɀo,
Kusati kwaʋa necimŋe caɀo.
17Miraŋgariro yenyu, Mŋari, inoɗikanwa sei neni!
Yakakura sei pakuʋereŋgwa kwayo!
18Kana ndikaiʋereŋga, iŋgapfuʋura jeca pakuwanda;
Kana ndicipepuka, ndicine’mi.
19Ƌai muciʋuraya henyu ʋakaipa, Mŋari;
Naiɀoɀo ibvai kwandiri, imi ʋanhu ʋeropa.
20Nokuti ʋanokutaurirai ɀakaipa,
Ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋanoreʋa zita renyu pasina.
21Ko ini handiʋeŋgi aʋo ʋanokuʋeŋgai here, Jehova?
Handineshuŋgu here naʋanokumukirai?
22Ndinoʋaʋeŋga nembeŋgo huru;
Ʋaʋa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
23Ndinɀerei, Mŋari, muziʋe mŋoyo waŋgu;
Ndiidzei, muziʋe ndaŋgariro dzaŋgu;
24Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri,
Mundifambise munzira isiŋgaperi.

Currently Selected:

Mapisarema 139: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in