Ɀireʋo 29
29
1Munhu wakarairwa kazhinji, aciwomesa mutsipa wake,
Ucaparadzwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira.
2Kana ʋakarurama ʋowanda, ʋanhu ʋanofara;
Asi kana munhu wakaipa aciɓata ʋushe, ʋanhu ʋanogomera.
3Aninani unoɗa ʋucenjeri, unofadza ɓaɓa ʋake;
Asi unoshamŋaridzana neɀifeʋe, unorasha fuma yake.
4Mambo unosimbisa nyika yake nokururamisa;
Asi munhu wemitero, unoiparadza.
5Munhu unoɓata wokwake kumeso,
Unodzikira tsoka dzake mumbure.
6Pakuɗarika kwomunhu wakashata panomusuŋgo;
Asi wakarurama ucaimba nokufara kwaɀo.
7Wakarurama unoziʋa kururamisira mhaka dzaʋarombo;
Asi wakaipa haanzwisisi ziʋo.
8Ʋaɗaɗi ʋanopisira guta;
Asi ʋakacenjera ʋanodzora kutsamŋa.
9Kana munhu wakarurama anemhaka neɓenzi,
Iye ucatsamŋa nokuseka, asi hakuŋgaʋi nezororo.
10Ʋanhu ʋeropa ʋanoʋeŋga wakarurama;
Asi ʋakarurama ʋanotȿaka kuraramisa mŋeya wake.
11Ƃenzi rinoɓuɗisa hasha dzaro dzose;
Asi munhu wakacenjera unodzidzora nokudzinyaradza.
12Kana muɓati aciterera nhema,
Ʋaranda ʋake ʋose ʋacaʋa ʋakaipa.
13Murombo nomunhu unomanikidza ʋanosoŋgana pamŋe cete;
Jehova unovenekera meso aʋose.
14Mambo, unoruramisira ʋarombo nokutendeka,
Cigaro cake cicasimbiswa nokusiŋgaperi.
15Shamhu nokuraira ɀinoʋuyisa ʋucenjeri;
Asi mŋana waŋgoregwa hake unonyadzisa mai ʋake.
16Kana ʋakaipa ʋowanda, kuɗarika kwowanda ʋo;
Asi ʋakarurama ʋacaʋona kuwa kwaʋo.
17Rairira mŋanakomana wako, agokuzorodza;
Ɀirokwaɀo ucafadza mŋeya wako.
18Kana Jehova asiŋgaɀiratidzi, ʋanhu ʋanoramba kudzorwa;
Asi unoceŋgeta murairo, unomufaro.
19Muranda uŋgaramba kurairirwa namashoko ɓedzi:
Nokuti, kunzwisisa unonzwisisa hake, asi haanehanya naɀo.
20Unoʋona munhu unokurumidza kutsamŋa?
Ƃenzi riri nani kunaiye.
21Kana munhu acirera muranda wake ɀakanaka kubva paʋuɗuku bgake,
Pakupedzisira ucaɗa kuʋa mŋanakomana.
22Munhu wakatsamŋa unomutsa kukakaʋara;
Munhu unehasha unokuɗarika kuzhinji.
23Kuɀikudza kwomunhu kucamuɗukupisa;
Asi unomŋeya unoɀininipisa, ucakudzwa.
24Aninani unoshamŋaridzana nembava, unoʋeŋga mŋeya wake;
Unonzwa kupikwa, asi haareʋururi cinhu.
25Kutya munhu kunoʋuyisa musuŋgo;
Asi aninani unoʋimba naJehova, ucaceŋgetwa.
26Ʋazhinji ʋanotȿaka nyasha yomuɓati;
Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kunaJehova.
27Munhu usakarurama unonyaŋgadza wakarurama;
Ʋuye wakarurama panzira dzake unonyaŋgadza wakaipa.
Currently Selected:
Ɀireʋo 29: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018