Numeri 3
3
Kuʋereŋgwa kwaʋaRevi.
1Ɀino ndiwo marudzi aAroni naMosesi nomusi wakataura Jehova nawo naMosesi pagomo reSinai: 2Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaAroni: Weɗaŋgwe Nadabi, teʋere Abihu naEreazari naItamari. 3Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista ʋakazodzwa, ʋaakagadza kuti ʋashumire paɓasa roʋuprista. 4Asi Nadabi naAbihu ʋakafa pamberi paJehova ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usakafanira pamberi paJehova murenje reSinai; ʋakaŋga ʋasinaʋana; asi Ereazari naItamari ʋakashumira paɓasa roʋuprista pamberi paAroni, ɓaɓa ʋaʋo.
5Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 6Sweɗedza rudzi rwaRevi, uʋaise pamberi paAroni muprista, kuti ʋamushumire. 7Ʋanofanira kumuɓatira iye, nokuɓatira ʋuŋgano yose pamberi petente rokusoŋgana, kuti ʋapedzise maɓasa etabernakeri. 8Ʋanofanira kuceŋgeta nhumbi dzose dzetente rokusoŋgana, nokuɓatira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋapedzise maɓasa etabernakeri. 9Unofanira kupa Aroni naʋanakomana ʋake ʋaRevi; ʋakaʋapiwa cose pakati paʋana ʋaIsraeri. 10Asi Aroni naʋanakomana ʋake unofanira kuʋagadza, kuti ʋaɓate ɓasa roʋuprista bgaʋo; usina‐kufanira, unosweɗera’po, unofanira kuʋurawa.
11Jehova akataura naMosesi, akati: 12Tarira, ini ndimene ndakatora ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri panɀimbo yamataŋgwe ose anotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri; ʋaRevi ndaʋaŋgu; 13nokuti mataŋgwe ose ndaaŋgu; musi wandakaʋuraya mataŋgwe ose panyika yeEgipita, ndakaɀitsaurira mataŋgwe ose paʋaIsraeri, paʋanhu napaɀipfuwo; anofanira kuʋa aŋgu; ndini Jehova.
14Ɀino Jehova akataura naMosesi murenje reSinai, akati: 15Ʋereŋga ʋana ʋaRevi nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, nemhuri dzaʋo; unofanira kuʋereŋga ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura. 16Ipapo Mosesi akaʋaʋereŋga neshoko raJehova seɀaakarairwa. 17Ndiʋo ʋanakomana ʋaRevi namazita aʋo: Gershoni, na Kohati, naMerari. 18Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaGershoni, nemhuri dzaʋo: Ribni naShimei. 19Naʋanakomana ʋaKohati nemhuri dzaʋo: Amrami naIzhari naHebroni naUzieri. 20Naʋanakomana ʋaMerari nemhuri dzaʋo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzaʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
21Gershoni ndiye teteguru waʋaRibni naʋaShimei; ndidzo mhuri dzaʋaGershoni. 22Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋari ʋarume ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana mashanu. 23Mhuri dzaʋaGershoni dzinofanira kudzika matente adzo shure kwetabernakeri kumaʋirazuʋa. 24Eriasafi, mŋanakomana waRaeri, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa aʋaGershoni. 25Ʋanakomana ʋaGershoni ʋanofanira kuceŋgeta ɀinhu iɀi mutente rokusoŋgana: Tabernakeri, netente, necifukidzo cayo, necidzitiro comukoʋa wetente rokusoŋgana, 26neɀirembedzwa ɀoruʋazhe, necidzitiro comukoʋa woruʋazhe, ruri patabernakeri nokunhiʋi dzose dzeartari, namaɓote ayo, ɀokuɓata maɓasa ayo ose.
27Kohati ndiye teteguru waʋaAmrami, naʋaIzhari, naʋaHebroni, naʋaUzieri; ndidzo mhuri dzaʋaKohati. 28Ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura ʋakaʋereŋgwa ʋakaȿika ɀuru ɀisere namazana matanhatu; ndiʋo ʋaiɓata maɓasa paimba tȿene. 29Mhuri dzaʋanakomana ʋaKohati dzinofanira kudzika matente adzo kurutiʋi rwetabernakeri necenyasi. 30Erizafani, mŋanakomana waUzieri, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa emhuri dzaʋaKohati. 31Iʋo ʋanofanira kuceŋgeta areka, netafura, necigadziko cemŋenje, neartari, nenhumbi dzeimba tȿene, dzaʋanoɓata nadzo, necidzitiro, namaɓasa ose ayo. 32Ereazari, mŋanakomana waAroni muprista, ndiye unofanira kuʋa mucinda wamacinda aʋaRevi, iye unofanira kuʋa mutariri waʋanoɓata maɓasa paimba tȿene.
33Merari ndiye teteguru waʋaMari naʋaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari. 34Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, iʋo ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀitanhatu namazana maʋiri. 35Zurieri, mŋanakomana waAbihairi, ndiye unofanira kuʋa mucinda weimba yamadziɓaɓa emhuri dzaMerari; iʋo ʋanofanira kudzika matente aʋo kurutiʋi rwetabernakeri necokumsoro. 36Ƃasa rakatarirwa ʋanakomana ʋaMerari nderokuceŋgeta matanda etabernakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀadzo, nenhumbi dzayo dzose, namaɓasa ayo ose; 37nembiru dzaparuʋazhe kunhiʋi dzose, neɀigadziko ɀadzo, nembambo dzadzo, namaɓote adzo. 38Aʋo ʋanodzika matente aʋo pamberi petabernakeri kumabvazuʋa, pamberi petente rokusoŋgana, kurutiʋi runoɓuɗa zuʋa, ndiʋo Mosesi naAroni naʋanakomana ʋake, ʋanoɓate‐ɓasa renɀimbo tȿene, ndiro ɓasa raʋana ʋaIsraeri; usina‐kufanira unosweɗera’po unofanira kuʋurawa. 39Ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋaʋaRevi, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni seɀaʋakarairwa naJehova, nemhuri dzaʋo, ʋarume ʋose ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri.
40Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋereŋga mataŋgwe ose aʋarume aʋana ʋaIsraeri ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ugonyora kuwanda kwamazita aʋo. 41Ɀino unofanira kunditorera ʋaRevi (ndini Jehova) panɀimbo yamataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, neŋombe dzaʋaRevi panɀimbo yaʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeŋombe dzaʋana ʋaIsraeri. 42Mosesi akaʋereŋga mataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, seɀaakarairwa naJehova. 43Namataŋgwe ose aʋarume namazita aʋanomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana maʋiri namakumi manomŋe namatatu.
44Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 45Tora ʋaRevi panɀimbo yamataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, neŋombe dzaʋaRevi panɀimbo yeŋombe dzaʋo; nokuti ʋaRevi ndaʋaŋgu; ndini Jehova. 46Ɀino kuti udzikinure mataŋgwe anamazana maʋiri namakumi manomŋe namatatu aʋana ʋaIsraeri, ʋanopfuʋura ʋaRevi pakuwanda kwaʋo, 47unofanira kutora mashekeri#3:47 Shekeri rimŋe aneŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. mashanu kunomumŋe nomumŋe; unofanira kuatora ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene (shekeri rinamagera makumi maʋiri). 48Ɀino unofanira kupa Aroni naʋanakomana ʋake mari iyo yokudzikinura aʋo ʋakapfuʋura pakuʋereŋgwa pakati paʋo. 49Mosesi akatora mari yokudzikinura kunaiʋo ʋakaŋga ʋakapfuʋura ʋakadzikinurwa naʋaRevi; 50wakatora mari iyi kumataŋgwe aʋana ʋaIsraeri, mashekeri anecuru cimŋe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, acienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene. 51Mosesi akapa Aroni naʋanakomana ʋake mari iyo yokudzikinura, seshoko raJehova, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
Currently Selected:
Numeri 3: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018