Numeri 2
2
Misasa yaʋo.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 2Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kudzika matente aʋo, mumŋe nomumŋe pamureza woʋokwake, neɀiratidzo ɀedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋanofanira kudzika matente aʋo ʋakatarisana netente rokusoŋgana ʋakarikomba. 3Ʋanodzika kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokunoɓuɗa zuʋa nako, ʋanofanira kuʋa ʋomureza wemisasa yaJuda, namapoka aʋo; Nashoni mŋanakomana waAminadabi ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaJuda. 4Ƃoka rake naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀinna namazana matanhatu. 5Ʋanodzika kurutiʋi rwaʋo ʋanofanira kuʋa ʋorudzi rwaIsakari; Netaneri, mŋanakomana waZuari ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaIsakari. 6Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinna, namazana manna. 7Noʋorudzi rwaZeburuni; Eriabi, mŋanakomana waHeroni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaZeburuni. 8Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinomŋe, namazana manna. 9Ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋemisasa yaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinezana neɀuru ɀinamakumi masere neɀitanhatu namazana manna, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kutaŋga kusimuka.
10Kurutiʋi rwezasi ndiko kunofanira kuʋa nomureza wemisasa yaRubeni, namapoka aʋo; Erizuri, mŋanakomana waShedeuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaRubeni. 11Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitanhatu namazana mashanu. 12Rudzi rwaSimeoni ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwake; Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaSimeoni. 13Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀipfumbamŋe namazana matatu. 14Norudzi rwaGadi: Eriasafi, mŋanakomana waReueri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaGadi. 15Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. 16Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaRubeni ʋakaȿika ɀuru ɀinezana rimŋe namakumi mashanu necuru cimŋe namazana manna namakumi mashanu, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecipiri.
17Ɀino tente rokusoŋgana rinofanira kusimuka pamŋe cete nemisasa yaʋaRevi pakati pemisasa yose; nomutoʋo waʋanodzika matente aʋo, ʋanofanira kusimuka saiɀoɀo, mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, pamureza wake.
18Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfraimi, namapoka aʋo; Erishama, mŋanakomana waAmihudi, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaEfraimi. 19Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu. 20Rudzi rwaManase ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Gamarieri, mŋanakomana waPedashuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaManase. 21Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri namazana maʋiri. 22Norudzi rwaBenjamini: Abidani, mŋanakomana waGideoni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaBenjamini. 23Ƃoka rake, naʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀishanu namazana manna. 24Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaEfraimi ʋakaȿika ɀuru ɀinezana neɀisere nezana rimŋe, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecitatu.
25Kurutiʋi rwokumsoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDani, namapoka aʋo; Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaDani. 26Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀiʋiri namazana manomŋe. 27Rudzi rwaAsheri ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Pagieri, mŋanakomana waOkrani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaAsheri. 28Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna necimŋe namazana mashanu. 29Norudzi rwaNaftari; Ahira, mŋanakomana waEnani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaNaftari. 30Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitatu namazana manna. 31Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaDani ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀinomŋe namazana matanhatu. Ndiʋo ʋanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yaʋo.
32Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋaʋana ʋaIsraeri nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaʋo, namapoka aʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu. 33Asi ʋaRevi haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova. 34Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa ɀose naJehova, saiɀoɀo ʋakadzika matente aʋo pamireza yaʋo, mumŋe nomumŋe pamhuri dzaʋo, padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
Currently Selected:
Numeri 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018