YouVersion Logo
Search Icon

Marko 16

16
Kumuka kwaJesu, nokuɀiratidza kwake.
(Mat 28:1–20; Ruka 24:1–49; Joh 20:1–23)
1Saɓata yakati yapfuʋura, Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo, naSarome, ʋakateŋga ɀinonhuwira, kuti ʋaende kuzomuzodza. 2Maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, ʋakaenda kubgiro, zuʋa roɓuɗa. 3Ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko ucatikuŋgurusira ibge pamukoʋa wobgiro? 4Ɀino ʋakati ʋacitarira, ʋakaʋona kuti ibge rakaŋga ratokuŋguruswa, nokuti raiʋa guru‐guru. 5Ʋakapinda mubgiro, ʋakaʋona jaya, rakaŋga rigere kurudyi, rakapfeka ŋguʋo cena yakareɓa, ʋakavunduka. 6Rikati kwaʋari: Musavunduka, munotȿaka Jesu weNazareta, wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa; wamuka, haa’po pano; tarirai paʋakaŋga ʋamuisa. 7Asi endai, mundoʋudza ʋadzidzi ʋake naPetro, kuti unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’ko, seɀaakakuʋudzai. 8Ʋakaɓuɗa, ʋakatiza ʋacibʋa pabgiro, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokuɗeɗera nokushamiswa; ʋakasaʋudza munhu cinhu, nokuti ʋakaŋga ʋacitya.
9Ɀino wakati amuka maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, akaɀiratidza pakutaŋga kunaMaria Magdarene, waakaŋga aɓuɗisa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari. 10Iye akaenda kundoʋudza aʋo ʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋacicema nokurira. 11Iʋo ʋakati ʋacinzwa kuti uri mupenyu, ʋuye kuti wakaʋonekwa naye, ʋakasatenda.
12Shure kwaiɀoɀo wakaɀiratidza nomumŋe mutoʋo kunaʋaʋiri ʋaʋo, ʋakaŋga ʋacifamba muruwa. 13Naiʋo ʋo ʋakaenda, ʋakandoʋudza ʋamŋe; naiʋo ʋakasaʋatenda ʋo.
14Pashure wakaɀiratidza kunaʋanegumi nomumŋe, ʋagere pakudya; akaʋapa mhaka pamsoro pokusatenda kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, nokuti haʋana‐kutenda ʋaya ʋakaŋga ʋamuʋona amuka. 15Akati kwaʋari: Endai munyika yose, muparidzire ɀisikwa ɀose Evaŋgeri. 16Unotenda, akabapatidzwa, ucaponeswa; asi usiŋgatendi ucatoŋgwa. 17Ɀiratidzo iɀi ɀicaʋa naʋanotenda: Ʋacaɓuɗisa mŋeya yakaipa nezita raŋgu, ʋacataura nendimi itȿa; 18ʋacaɓata nyoka; kunyaŋge ʋakanwa cinhu cinoʋuraya, haciŋgaʋarwadzi; ʋacaisa maʋoko pamsoro paʋarwere, ʋakapora.
Kukwira kwaJesu.
(Ruka 24:50–53; Maɓasa 1:9–11)
19Ɀino Ishe Jesu wakati ataura naʋo, akagamucirwa kuɗeŋga, akagara kuruʋoko rworudyi rwaMŋari. 20Iʋo ʋakaenda, ʋakaparidza kwose‐kwose, Ishe aciɓata naʋo, acisimbisa shoko neɀiratidzo ɀaiʋa naʋo.

Currently Selected:

Marko 16: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in