YouVersion Logo
Search Icon

Mika 5

5
1Ɀino mucafanira kuʋuŋgana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muʋeŋgi wakatikomba, ʋacaroʋa mutoŋgi waIsraeri netȿimbo paɗama rake.
Muɓati waIsraeri ucazoɀarwa paBeti‐rehema.
2Asi iwe Beti‐rehema Efrata, muɗuku kwaɀo pakati peɀuru ɀamazana ɀaJuda, kwauri kucandiɓuɗira mumŋe ucaʋa muɓati pakati paIsraeri; maɓuɗiro ake ndaakare, pamazuʋa akare‐kare. 3Naiɀoɀo ucaʋaisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo, kuȿikira paŋguʋa yokuɀara kwaiye unosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzicadzoka naʋana ʋaIsraeri. 4Ucamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehova, noʋumambo bgezita raJehova Mŋari wake; ɀino ʋacagara ɀakanaka, nokuti ɀino ucaʋa mukuru kuȿikira kumigumo yenyika. 5Iye ucaʋa rugare rweɗu. Kana muAsiria acipinda munyika yeɗu, kana acitsika mudzimba dzeɗu dzoʋushe, ticamutsa ʋafudzi ʋanomŋe namacinda masere pakati paʋanhu kuti ʋarwe naye. 6Iʋo ʋacaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimrodi painopindwa napo; iye ucatirwira kumuAsiria, kana aciŋge acipinda nyika yeɗu nokutsika mukati memiganho yeɗu. 7Ipapo ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu seɗoʋa rinobva kunaJehova, semvura inonaya paʋuswa, ɀisiŋgamiriri munhu kana kugarira ʋanakomana ʋaʋanhu. 8Ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu, seshumba pakati pemhuka dzomuɗondo, seshumba ɗuku pakati pamapoka amakwai, inoti kana icipfuʋura’po, inotsika nokubvamburanya, kusina‐unorwira. 9Ruʋoko rwenyu ŋgarusimudzirwe kumsoro kwaʋadziʋisi ʋenyu, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ŋgaʋaparadzwe.
10Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaparadza mabiza enyu pakati penyu, nokuputsa ŋgoro dzenyu; 11ndicaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose. 12Ndicaparadza ʋuroyi pamaʋoko enyu, hamuŋgazoʋi naʋafemberi; 13ndicaparadza mifananidzo yenyu yakaʋezwa neshoŋgwe dzenyu pakati penyu; hamuŋgazonamati maɓasa amaʋoko enyu; 14ndicadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndicaparadza maguta enyu. 15Ndicatsiʋa marudzi asina‐kuterera ndiciita nokutsamŋa nehasha.

Currently Selected:

Mika 5: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in