YouVersion Logo
Search Icon

Mika 6

6
Jehova unotuka Israeri pamsoro pokutsauka kwaʋo.
1Cinzwai ɀino ɀinorebga naJehova: Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, ɀikomo ŋgaɀinzwe inzwi rako. 2Cinzwai, imi makomo, rukaʋe rwaJehova, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziri’po; nokuti Jehova unorukaʋe naʋanhu ʋake, ucaita nharo naIsraeri. 3Nhai, imi ʋanhu ʋaŋgu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei. 4Nokuti ndakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, ndikakudzikinurai paimba yoʋuranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami. 5Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, raŋgarirai ɀino ɀakaraŋganwa naBaraki mambo waMoabi, ʋuye ɀaakapindurwa naBarami mŋanakomana waBeori; raŋgarirai ɀakaitwa kubva paShitimi kuȿikira Girgari, kuti muziʋe ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova. 6Ndicaʋuya nei pamberi paJehova, ndicikotamira pamberi paMŋari wokumsoro? Ndicaʋuya pamberi pake neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimŋe here? 7Ko Jehova uŋgafadzwa namakondobge anecuru cezana, kana nenzizi dzamafuta dzineɀuru ɀinegumi here? Ndiŋgamuʋigira ɗaŋgwe raŋgu pamsoro pokuɗarika kwaŋgu, ico ciɓereko comuʋiri waŋgu pamsoro peɀiʋi ɀomŋeya waŋgu here? 8Iye wakakuziʋisa, iwe munhu, kuti ɀakanaka ndeɀipi; cinotȿakwa naJehova kwauri cinyiko, asi kuti uite ɀakarurama, uɗe ʋunyoro, ʋuye ufambe uciɀininipisa pamberi paMŋari wako?
9Inzwi raJehova rinoɗana kuguta, wakacenjera ucatya zita renyu; tererai shamhu, nowakairaira. 10Ko fuma yeɀakashata ici’po muimba yowakashata here, ʋuye ciyero cakatapudzwa cinonyaŋgadza here? 11Ko ndiŋgaʋa wakacena kana ndineɀiyero ɀakashata, nehomo yeɀiyereso ɀinonyeŋgera here? 12Nokuti ʋafumi ʋeguta ʋazere nokuita nehasha, ʋagere’mo ʋakareʋa nhema, rurimi rwaʋo mumuromo waʋo runonyeŋgera. 13Saka neni ʋo ndakakuroʋai ʋaŋga rakaipa kwaɀo; ndakakuitai ɗoŋgo nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu. 14Mucadya, asi hamuŋgaguti, kushoʋorwa kwenyu kucaʋa pakati penyu; mucabvisa nhumbi dzenyu, asi hamuŋgadziceŋgeti, idzo dzamunoceŋgeta, ndicadziparadzisa nomunondo. 15Mucakusha, asi hamuŋgaceki, mucaȿina maoriʋi, asi hamugazori mafuta, mucaȿina mazambiriŋga, asi hamuŋganwi waini. 16Nokuti ɀakatemŋa naOmri ɀinoceŋgetwa, namaɓasa ose eimba yaAhabi, imi munofamba nokuraŋgarira kwaʋo, kuti ndikuitei ɗoŋgo imi, naʋagere’mo cinhu cinoridzirwa muridzo; imi mucaʋa nemhoȿa yokushoʋorwa kwaʋanhu ʋaŋgu.

Currently Selected:

Mika 6: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in