YouVersion Logo
Search Icon

Revitiko 4

4
Ɀipiriso ɀeɀiʋi.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana munhu akatadza nokusaziʋa pacinhu cimŋe ceɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, akaita cimŋe caɀo; 3kana muprista wakazodzwa akatadza, akapinza ʋanhu pamhoȿa, unofanira kuʋigira Jehova nzombe ɗuku isinemhoȿa, nokuɗa kweɀiʋi ɀake ɀaakatadza, kuti ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 4Ŋgaaʋuye nenzombe ɗuku pamukoʋa wetente rokusoŋgana pamberi paJehova, aise ruʋoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuʋuraya nzombe pamberi paJehova. 5Ɀino muprista wakazodzwa ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, ariise patente rokusoŋgana, 6muprista agonyika munwe wake muropa, ndokusasa rimŋe ropa kanomŋe pamberi paJehova, pamberi pecidzitiro cenɀimbo tȿene. 7Ɀino muprista aise rimŋe ropa pamberi paJehova panyaŋga dzeartari yeɀinonhuwira ɀakanaka, iri mutente rokusoŋgana, agoɗurura rimŋe ropa rose renzombe mujiŋga meartari yeɀipiriso ɀinopiswa, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 8Ɀino ŋgaabvise mafuta ose enzombe yecipiriso ceɀiʋi, mafuta anofukidza ʋura, namafuta ose ari pamsoro poʋura, 9netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo, 10seɀaanobviswa panzombe yecipiriso cokuyananisa naco; ɀino muprista ŋgaaɀipise pamsoro peartari yeɀipiriso ɀinopiswa. 11Ƌebge renzombe, nenyama yayo yose, pamŋe cete nomusoro wayo, namakumbo ayo, noʋura bgayo, namaɀiɀi ayo; 12nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorashirwa maɗota, ndokuipisira pamsoro pehuni nomŋoto; ŋgaipisirwe panorashirwa maɗota.
13Kana ʋuŋgano yose yaIsraeri ikatadza, cinhu ico cikasazikanwa neʋuŋgano, kana ʋakaita cimŋe ceɀinhu ɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, ʋakapara mhaka; 14kana ciʋi caʋakatadza cikazozikanwa, ɀino ʋuŋgano ŋgaiʋuye nenzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, iʋuyiswe pamberi petente rokusoŋgana. 15Ɀino ʋakuru ʋeʋuŋgano ŋgaʋaise maʋoko aʋo pamusoro wenzombe pamberi paJehova, nzombe igoʋurawa pamberi paJehova. 16Ɀino muprista wakazodzwa ŋgaaʋuye nerimŋe ropa renzombe patente rokusoŋgana, 17muprista anyike munwe wake muropa, arisase kanomŋe pamberi paJehova, pamberi pecidzitiro. 18Ɀino ŋgaaise rimŋe ropa panyaŋga dzeartari iri pamberi paJehova, iri mutente rokusoŋgana; rimŋe ropa rose agoriɗururira mujiŋga meartari yeɀipiriso ɀinopiswa, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 19Ɀino ŋgaabvise mafuta ose ari’po, aapise pamsoro peartari. 20Ndiɀo ɀaanofanira kuitira nzombe; seɀaakaitira nzombe yecipiriso ceɀiʋi, ndiɀo ɀaanofanira kuitira iyi; muprista unofanira kuʋayananisira, ʋakaŋganwirwe. 21Ɀino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, seɀaakapisa nzombe yokutaŋga; ndico cipiriso ceɀiʋi ceʋuŋgano.
22Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziʋa cimŋe ceɀinhu ɀose ɀakarairwa naJehova Mŋari wake kuti ɀirege kuitwa, akapara mhaka; 23kana ciʋi cake caakatadza akaciziʋiswa, ŋgaaʋuye nenhoŋgo yembudzi isinemhoȿa, ciʋe cipiriso cake. 24Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wembudzi, aiʋuraye panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa pamberi paJehova, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 25Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa recipiriso ceɀiʋi nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yecipiriso cinopiswa, nerimŋe ropa rayo ariɗururire mujiŋga meartari yecipiriso cinopiswa. 26Mafuta ayo ose ŋgaapiswe pamsoro peartari, seɀaʋakaita namafuta ecipiriso cokuyananisa; muprista amuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀake, akaŋganwirwe.
27Kana mumŋe waʋanhu ɀaʋo akatadza akaita nokusaziʋa cimŋe ceɀinhu ɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, akapara mhaka; 28kana ciʋi cake caakatadza akaciziʋiswa, ŋgaaʋuye neshece yembudzi isinemhoȿa, ciʋe cipiriso cake pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza. 29Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso ceɀiʋi, aʋuraye cipiriso ceɀiʋi panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa. 30Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa rayo nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yeɀipiriso ɀinopiswa, asi rimŋe ropa rayo rose ŋgaariɗururire mujiŋga meartari. 31Ɀino ŋgaabvise mafuta ayo ose, seɀinobviswa mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa naɀo, muprista agoapisa pamsoro peartari, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; muprista unofanira kumuyananisira, akaŋganwirwe.
32Kana akaʋuya negwaiana rokuita naro cipiriso cake ceɀiʋi, ŋgaaʋuye neshece isinemhoȿa. 33Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso ceɀiʋi, agoriʋuraya panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa. 34Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa recipiriso ceɀiʋi nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yeɀipiriso ɀinopiswa, asi rimŋe ropa raro rose ŋgaariɗururire mujiŋga meartari; 35ɀino ŋgaabvise mafuta aro ose, seɀinobviswa mafuta egwaiana paciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa naɀo; muprista aapise pamsoro peartari seɀinoitwa neɀipiriso ɀose ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; muprista unofanira kumuyananisira pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza, akaŋganwirwe.

Currently Selected:

Revitiko 4: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in