YouVersion Logo
Search Icon

Revitiko 3

3
Ɀipiriso ɀokuyananisa.
1Kana cipo cake ciri ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, kana aciʋuya neŋombe, kana iri nzombe kana hadzi, ŋgaaʋuye necisinemhoȿa pamberi paJehova. 2Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso cake, aciʋuraye pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋagosasa ropa pamsoro peartari kunhiʋi dzose. 3Ɀino ŋgaape Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto paciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, cokuti mafuta anofukidza ʋura, namafuta ose ari paʋura, 4netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo. 5Ipapo ʋanakomana ʋaAroni ʋanofanira kuɀipisa paartari pamsoro pecipiriso cinopiswa, ciri pamsoro pehuni dziri pamŋoto; kuti ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
6Kana cipo cake ceciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ciri ceɀipfuwo ɀiɗuku, kana uri mukono kana hadzi, ŋgaaʋuye necisinemhoȿa. 7Kana aciʋuya negwaiana recipiriso cake, ŋgaaʋuye naro pamberi paJehova, 8ɀino aise ruʋoko rwake pamsoro pecipo cake, ndokuciʋuraya pamberi petente rokusoŋgana, ʋanakomana ʋaAroni ʋagosasa ropa raco pamsoro peartari panhiʋi dzose. 9Ɀino ŋgaape Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto paciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, cokuti mafuta aro neɓemhe rose, aɀibvise pedyo nomusana, namafuta anofukidza ʋura, namafuta ose ari pamsoro poʋura, 10netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo. 11Ipapo muprista ŋgaaɀipise pamsoro peartari; ndiɀo ɀokudya ɀecipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto.
12Kana cipo cake ciri cembudzi, ŋgaaʋuye nayo pamberi paJehova; 13ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wayo, aiʋuraye pamberi petente rokusoŋgana; ʋanakomana ʋaAroni ʋagosasa ropa rayo pamsoro peartari kunhiʋi dzose. 14Ɀino ŋgaape ɀimŋe ɀaɀo ciʋe cipo cake, cipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto; ɀinoti mafuta anofukidza ʋura, namafuta ose ari pamsoro poʋura, 15netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, aɀibvise pamŋe cete netȿo. 16Ɀino muprista ŋgaaɀipise pamsoro peartari; ndiɀo ɀokudya ɀecipiriso cinoitwa nomŋoto, ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakanaka; mafuta ose ndeaJehova. 17Ŋgauʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose, kuti murege kudya mafuta neropa.

Currently Selected:

Revitiko 3: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in