YouVersion Logo
Search Icon

Johane 21

21
Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi.
1Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaɀiratidza ɀe kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi; akaɀiratidza kuɗai: 2ƲanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanaeri, weKana yeGarirea, naʋanakomana ʋaZebedi, naʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, ʋakaŋga ʋari pamŋe cete. 3Simoni Petro akati kwaʋari: Ndondoɓata hoʋe. Ʋakati kwaari: Nesu tinoenda ʋo newe. Ʋakaɓuɗa, ʋakapinda mugwa; asi ʋusiku ubgo haʋana‐kuɓata cinhu. 4Ɀino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi ʋadzidzi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti ndiJesu. 5Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ʋana, muneciseʋo here? Ʋakamupindura, ʋaciti: Kwete. 6Akati kwaʋari: Kandai rutaʋa kurutiʋi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo ʋakakanda, ʋakasagona ɀino kurukweʋa nokuwanda kwehoʋe. 7Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa. 8Asi ʋamŋe ʋadzidzi ʋakaʋuya nekagwa, ʋacikweʋa rutaʋa runehoʋe, nokuti ʋakaŋga ʋasi kure nenyika asi makubiti aneŋge mazana maʋiri.#21:8 Kubiti kubva pagokora kuȿikira paminwe. 9Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika, ʋakaʋona mŋoto wamazimbe waʋeswa, nehoʋe yakaiswa pamsoro pawo, neciŋgwa. 10Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai nedzimŋe hoʋe dzamakaɓata ɀino. 11Simoni akakwira mugwa, akakweʋera rutaʋa panyika, rwakaŋga ruzere nehoʋe huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyaŋge dzaiʋa zhinji dzikaɗai, rutaʋa haruna‐kubvaruka. 12Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai, muȿuȿure. Kwakaŋga kusinomumŋe waʋadzidzi ʋake wakatsuŋga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Ʋaciziʋa kuti ndiyeShe. 13Ɀino Jesu akaenda, akatora ciŋgwa, akaʋapa, nehoʋe ʋo saiɀoɀo. 14Urwu rwaiʋa rwecitatu, Jesu rwaakaɀiratidza kuʋadzidzi ʋake amuka kuʋakafa.
15Ɀino ʋakati ʋaȿuȿura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni kupfuʋura aʋa here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana aŋgu. 16Akati kwaari ɀe rwecipiri: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Ceŋgeta makwai aŋgu. 17Akati kwaari rwecitatu: Simoni, mŋanakomana waJona: Unondiɗa here? Petro akarwadziwa mŋoyo, nokuti wakati kwaari rwecitatu: Unondiɗa here? Akati kwaari: Ishe, munoziʋa ɀose; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai aŋgu. 18Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Uciri jaya, waiɀisuŋga ciʋuno, ucifamba kwawaiɗa; asi kana wakwegura, ucatambanudza maʋoko ako, mumŋe ucakusuŋga ciʋuno, acikuisa kwausiŋgaɗi. 19Wakareʋa iɀoɀo, acifananidza kufa kwaaizokudza Mŋari nako. Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akati kwaari: Nditeʋere. 20Petro akatendeʋuka, akaʋona uya mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, aciteʋera; ndiye ʋo wakasendamira pacifuʋa cake pacirayiro, aciti: Ishe, ndianiko ucakupandukirai? 21Ɀino Petro wakati acimuʋona, akati kunaJesu: Ishe, ko uyu ucaitweiko? 22Jesu akati kwaari: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe? Unditeʋere iwe. 23Ɀino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haaŋgazofi. Asi Jesu haana‐kureʋa kwaari, kuti haaŋgazofi, asi kuti: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe?
24Ndiyoyu mudzidzi unopupura iɀoɀi, wakaɀinyora ʋo; tinoziʋa kuti kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi.
25Ɀimŋe ɀizhinji ɀiri’ko, ɀakaitwa ʋo naJesu; kana ɀainyorwa cimŋe necimŋe, ndinoti kunyaŋge nenyika yose haiŋgariŋgani buku dziŋganyorwa.

Currently Selected:

Johane 21: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in