Ɀino ʋakati ʋaȿuȿura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni kupfuʋura aʋa here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana aŋgu. Akati kwaari ɀe rwecipiri: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Ceŋgeta makwai aŋgu. Akati kwaari rwecitatu: Simoni, mŋanakomana waJona: Unondiɗa here? Petro akarwadziwa mŋoyo, nokuti wakati kwaari rwecitatu: Unondiɗa here? Akati kwaari: Ishe, munoziʋa ɀose; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai aŋgu.