YouVersion Logo
Search Icon

Ʋatoŋgi 15

15
Kurwa kwaSamsoni naʋaFiristia.
1Asi ŋguʋa ɗuku yakati yapera, paŋguʋa yokukohwa ɀiyo, Samsoni akandoshanyira mukadzi wake, akaɓata mbudzana; akati: Ndinoɗa kupinda kumukadzi waŋgu mumba. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaramba kumutendera kupinda. 2Ƃaɓa ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, ndakati wamuʋeŋga kwaɀo; saka ndakamupa shamŋari yako. Ko munuŋuna wake haamupfuʋuri nokunaka here? Mutore hake iye panɀimbo yake. 3Samsoni akati kwaʋari: ŋguʋa ino handiŋgaʋi nemhoȿa kuʋaFiristia, kana ndikaʋaitira ɀakaipa. 4Ipapo Samsoni akandoɓata makaʋa anamazana matatu, akatora mazhenje, akaɓatanidza miswe miʋiri‐miʋiri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miʋiri. 5Ɀino akatuŋgidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muɀiyo ɀaʋaFiristia ɀakaŋga ɀigere kukohiwa, akapisa ɀiyo ɀakaŋga ɀaʋuŋganidzwa neɀakaŋga ɀigere kukohiwa, neminda yemizambiriŋga neyemiorivi. 6Ipapo ʋaFiristia ʋakati: Ndianiko waita iɀoɀo? Ʋakati: NdiSamsoni, mukuwasha womuTimna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamŋari yake. Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakamupisa iye mukadzi naɓaɓa ʋake nomŋoto. 7Samsoni akati kwaʋari: Kana mukaita saiɀoɀo, ɀirokwaɀo ndicakutsiʋai, pashure ndigorega. 8Akaʋaroʋa paɀidɀa neɀiʋuno, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; akaɓuruka, akandogara paɓako reɗombo reEtami.
9Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakandodzika matente aʋo paJuda, ʋakapararira muRehi. 10Ʋarume ʋaJuda ʋakati: Makwirireiko kuzorwa nesu: Iʋo ʋakati: Takwira kuzosuŋga Samsoni, timuitire seɀaakatiitira isu. 11Ipapo ʋarume ʋaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀitatu ʋakaɓurukira kuɓako reɗombo reEtami, ʋakati kunaSamsoni: Hauziʋi kuti ʋaFiristia ʋaɓati ʋeɗu here? Cinyiko ici cawatiitira? Akati kwaʋari: Seɀaʋakandiitira ini, ndiɀo ɀandakaʋaitira ʋo. 12Ʋakati kwaari: Isu taɓurukira ʋuno kuzokusuŋga, kuti tikuise mumaʋoko aʋaFiristia. Samsoni akati kwaʋari: Pikai kwandiri, kuti imi hamuŋgandiʋambi mumene. 13Ʋakataura naye, ʋakati: Kwete; asi ticakusuŋga, nokukuisa mumaʋoko aʋo; asi ɀirokwaɀo hatiŋgakuʋurayi. Ʋakamusuŋga netambo mbiri itȿa, ʋakakwira naye ʋacibva paɗombo. 14Ɀino wakati aciȿika Rehi, ʋaFiristia ʋakamupurudzira. Ipapo Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru; tambo dzakaŋga dzakasuŋga maʋoko ake dzikafanana norucinda rwakatȿa nomŋoto, ɀisuŋgo ɀake ɀikanyauka pamaʋoko ake. 15Akawana rushaya rwemboŋgoro, akatambanudza ruʋoko rwake, akarutora, ndokuʋuraya ʋarume ʋanamazana anegumi narwo. 16Ipapo Samsoni akati:
Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ɓoka namapoka,
Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ʋanamazana anegumi.
17Ɀino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakaŋga ruri muruʋoko rwake; nɀimbo iyo ikanzi: Ramati‐rehi. 18Ipapo akanzwa nyota kwaɀo, akacema kunaJehova, akati: Matirwira kwaɀo noruʋoko rwomuranda wenyu; ɀino ndicafa nenyota, ndikawira mumaʋoko aʋasina‐kudziŋgiswa. 19Asi Mŋari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikaɓuɗa’po; ɀino wakati anwa, mŋeya wake ukadzokera maari, akapona ɀe; naiɀoɀo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kuȿikira nhasi. 20Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore makumi maʋiri pamazuʋa aʋaFiristia.

Currently Selected:

Ʋatoŋgi 15: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in