Ʋatoŋgi 13
13
Kuɓerekwa kwaSamsoni.
1Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna.
2Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki. 3Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana. 4Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; 5nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia. 6Ɀino mukadzi akandoʋudza murume wake, akati: Munhu waMŋari wakaʋuya kwandiri, ciso cake cakaŋga cakafanana neciso comutumŋa waMŋari, caityisa kwaɀo; handina‐kumubvunza kuti unobvepi, ʋuye iye haana‐kundiʋudza zita rake; 7asi wakati kwandiri: Tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; ɀino cirega kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, usadya cinhu cisina‐kunaka, nokuti mŋana uyu ucaʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake kuȿikira pazuʋa rokufa kwake. 8Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa. 9Jehova akanzwa inzwi raManoa; mutumŋa waMŋari akaʋuya ɀe kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakaŋga asi’ko kwaari. 10Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoʋudza murume wake, akati kwaari: Tarira, murume uya waɀiratidza ɀe kwandiri, iye wakaɗeya kuʋuya kwandiri musi uya. 11Manoa akasimuka, akateʋera mukadz, wake akaȿika kumurume, akati kwaari: Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati: Ndini. 12Manoa akati: Ɀino kana mashoko enyu aciŋge aitika, tsika dzomŋana dzinofanira kuʋa dzipi, neɓasa rake rinofanira kuʋa reiko? 13Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Mukadzi ŋgaacenjere pamsoro peɀose ɀandakamuʋudza. 14Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira. 15Manoa akati kumutumŋa waJehova: Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana. 16Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova. 17Manoa akati kumutumŋa waJehova: Zita renyu ndianiko? Kuti tiziʋe kukukudzai kana mashoko enyu acizoitika? 18Mutumŋa waJehova akati kwaari: Unondibvunzireiko zita raŋgu, ɀarinoshamisa? 19Ipapo Manoa akatora mbudzana pamŋe cete necipiriso ceɀokudya, akaɀiɓayira Jehova paɗombo; mutumŋa akaita cinhu cinoshamisa, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra. 20Nokuti muraɀo womŋoto wakati ucikwira kuɗeŋga ucibva paartari, mutumŋa waJehova ndokukwira mumuraɀo weartari, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra; ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo. 21Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova. 22Ɀino Manoa akati kumukadzi wake: Ticafa ɀirokwaɀo, nokuti takaʋona Mŋari. 23Asi mukadzi wake wakati kwaari: Ƌai Jehova aiɗa kutiʋuraya, uŋgaɗai asina‐kugamucira cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀokudya pamaʋoko eɗu; uŋgaɗai asina‐kutiratidza ɀinhu iɀi ɀose, kana kutiʋudza mashoko akaɗai paŋguʋa ino. 24Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza. 25Mŋeya waJehova akataŋga kumumutsa paMahane‐dani, pakati peZora neEshtaori.
Currently Selected:
Ʋatoŋgi 13: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018