Jakobo 1
1
Kwaziso.
1Jakobo, muranda waMŋari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaʋiri akapararira: Farai!
Kutambudzika nemiidzo.
2Hama dzaŋgu, muti mufaro ɓedzi kana muciwira mumiidzo mizhinji; 3muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira. 4Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu.
5Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake. 6Asi ŋgaakumbire nokutenda, asiŋganyunyuti napaɗuku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefuŋgu reguŋgwa rinosundwa nemhepo ricimutswa‐mutswa. 7Munhu uyu ŋgaarege kufuŋga kuti ucazowana cinhu kunaShe; 8munhu, unemŋoyo miʋiri, unoshanduka‐shanduka panzira dzake dzose.
9Asi hama iri muɗuku ŋgaafare nokukudzwa kwake; 10nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti ucapfuʋura seruʋa roʋuswa. 11Nokuti zuʋa rinoɓuɗa pamŋe cete nemhepo inopisa, ndokuwomesa ʋuswa; ruʋa rabgo rinowira pasi, nokunaka kwabgo kwakanga kwaʋonekwa kunopera; saiɀoɀo ʋo mufumi ucaȿaʋa panzira dzake.
12Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa. 13Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. 14Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa. 15Ɀino kuciʋa, kana kwarema, kunoɀara ɀiʋi; neɀiʋi, kana ɀakura, ɀinoɓereka rufu. 16Musanyeŋgerwa, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. 17Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka. 18Nokuɗa kwake wakatiɓereka neshoko reɀokwaɗi, kuti isu tiite seciɓereko cokutaŋga ceɀisikwa ɀake.
Iʋai ʋaiti ʋeshoko.
19Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; 20nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari. 21Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. 22Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera. 23Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. 24Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. 25Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita. 26Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo. 27Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, nokuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika.
Currently Selected:
Jakobo 1: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018