1
Jakobo 1:2-3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hama dzaŋgu, muti mufaro ɓedzi kana muciwira mumiidzo mizhinji; muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira.
Compare
Explore Jakobo 1:2-3
2
Jakobo 1:5
Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake.
Explore Jakobo 1:5
3
Jakobo 1:19
Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa
Explore Jakobo 1:19
4
Jakobo 1:4
Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu.
Explore Jakobo 1:4
5
Jakobo 1:22
Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera.
Explore Jakobo 1:22
6
Jakobo 1:12
Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa.
Explore Jakobo 1:12
7
Jakobo 1:17
Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
Explore Jakobo 1:17
8
Jakobo 1:23-24
Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye.
Explore Jakobo 1:23-24
9
Jakobo 1:27
Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, nokuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika.
Explore Jakobo 1:27
10
Jakobo 1:13-14
Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa.
Explore Jakobo 1:13-14
11
Jakobo 1:9
Asi hama iri muɗuku ŋgaafare nokukudzwa kwake
Explore Jakobo 1:9
Home
Bible
Plans
Videos