ƲaHeberu 2
2
Njodzi yokusaterera.
1Saka tinofanira kuterera ɀikuru iɀo ɀatakanzwa, kuti tirege kukukurwa. 2Nokuti kana shoko, rakaŋga rataurwa naʋatumŋa, rakaŋga rakasimba, ʋuye kana kuɗarika nokusaterera kwose kwakapiwa muɓairo wakarurama, 3ko isu ticatiza sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakaɗai? uku kwakaparidzwa pakutaŋga naShe, kukasimbiswa kwatiri naiʋo ʋakanzwa; 4naiye Mŋari ʋo acipupurirana naʋo neɀiratidzo neɀinoshamisa, namaɓasa esimba mazhinji, neɀipo ɀoMŋeya Mutȿene, nokuɗa kwake.
Kristu wakaitwa munhu kuti asunuŋgure ʋanhu paɀiʋi ɀaʋo.
5Nokuti nyika, inozoʋuya, yatinoreʋa, haana‐kuiisa pasi paʋatumŋa. 6Asi mumŋe wakapupura kwaɀo paneimŋe nɀimbo, aciti:
Ko munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga?
Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomushanyira?
7Makamuita muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa,
Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa,
8Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake.
Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake. 9Asi tinomuʋona, iye Jesu, wakaitwa muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, akashoŋgedzwa korona yokubginya nokukudzwa nokuɗa kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMŋari anzwe rufu nokuɗa kwaʋose. 10Nokuti ɀakaŋga ɀakafanira kuti iye, wakaitirwa ɀinhu ɀose, ʋuye wakaita ɀinhu ɀose, pakuisa kwake ʋanakomana ʋazhinji pakubginya, akwanise Mutuŋgamiriri wokuponeswa kwaʋo nenzira yokutambudzika. 11Nokuti uyo, unoʋaita ʋatȿene, naiʋo ʋanoitwa ʋatsene, ʋose ʋakabva kunomumŋe; nemhaka iyi haanenyadzi kuʋaidza hama, 12Ɀaanoti:
Ndicaparidzira hama dzaŋgu zita renyu,
Ndicakuimbirai pakati pekereke.
13Ʋuye ɀe: Ndicatenda kwaari. Ʋuye ɀe: Tarira, ndini naʋana ʋandakapiwa naMŋari. 14Naiɀoɀo, ʋana ɀaʋakagoʋerwa ropa nenyama, naiye ʋo wakagoʋana naʋo panaiɀoɀi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Diaborosi; 15agosunuŋgura aʋo ʋaiʋa ʋaranda paʋupenyu bgaʋo bgose nokuɗa kwokutya rufu. 16Nokuti ɀirokwaɀo, haaɓatsiri ʋatumŋa, asi unoɓatsira ʋana ʋaAbrahama. 17Naiɀoɀo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake paɀinhu ɀose, kuti aʋe muprista mukuru Uneŋgoni, wakatendeka paɀinhu ɀaMŋari, kuti adzikinure ɀiʋi ɀaʋanhu. 18Nokuti ɀaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kuɓatsira ʋanoidzwa.
Currently Selected:
ƲaHeberu 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018