Ezekieri 47
47
Mvura yakabva mutembere.
1Ɀino wakandidzosera kumukoʋa weimba, ndikaʋona mvura zhinji iciɓuɗa pasi pecikumbaridzo ceimba kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokuti imba yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa necemberi kwayo; mvura yakayerera icibva necapasi, kurutiʋi rworudyi rweimba, kurutiʋi rwezasi rweartari. 2Ɀino akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro, akapota neni nenzira yokunze kuȿikira kusuʋo rokunze, nenzira yesuʋo rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwezasi; ɀino tarira, mvura zhinji yakaŋga iciɓuɗa kurutiʋi rworudyi. 3Ɀino murume uyo wakati aciɓuɗira kurutiʋi rwamabvazuʋa anorwonzi muruʋoko rwake, akayera makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuɀiziso ɀamakumbo. 4Ɀino akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kumabvi. Akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuciʋuno. 5Shure kwaiɀoɀo akayera makubiti anecuru cimŋe; ɀino rwakaŋga rwaʋa rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakaŋga yakwirira, yaʋa mvura muŋgashambira munhu, ruri rwizi rusiŋgabviri kuyambukwa. 6Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, waʋona cinhu ici here? Ɀino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi. 7Ndakati ndadzoka, ndikaʋona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwaɀo ʋuno nemhiri. 8Ɀino akati kwandiri: Mvura iyi zhinji inoɓuɗa icienda kunyika iri kumabvazuʋa, icayerera kuȿikira kuAraba, ndokuenda kurutiʋi rweguŋgwa; ɀino icandoɗira muguŋgwa, kuti mvura iporeswe. 9Ɀino ɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika pose panoȿika nzizi idzi mbiri, ɀicararama; hoʋe zhinji kwaɀo dzicaʋa’po, nokuti mvura iyi yakaȿika’ko, mvura yose icaporeswa, ʋuye ɀose ɀicararama pose panoȿika rwizi. 10Ʋateyi ʋehoʋe ʋacamira’po, kubva Engedi kuȿikira Enegraimi ʋacateya’po ʋutaʋa; hoʋe dzicaʋa’po dzakafanana nehoʋe dzeguŋgwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwaɀo. 11Asi panamatope napanamacakwi hapaŋgaporeswi; acaregererwa munyu. 12Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, ʋuno nemhiri, pacamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isiŋgawomi mashizha ayo, ʋuye isiŋgashaiwi ɀiɓereko ɀayo; icaɓereka ɀiɓereko ɀitȿa mŋedzi mumŋe nomumŋe, nokuti mvura yarwo inoɓuɗa panɀimbo tȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀicaʋa ɀokudya, namazhizha ayo acaporesa.
Miganho yenyika.
13Ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo iʋe nhaka yamarudzi anegumi namaʋiri aIsraeri: Josefa unofanira kupiwa migoʋe miʋiri. 14Munofanira kuigara nhaka, mumŋe acienzaniswa nomumŋe; nokuti ndakapika kuti ndicaipa madziɓaɓa enyu; nyika iyi icaʋa nhaka yenyu. 15Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutiʋi rwokumsoro, kubva kuguŋgwa guru, nenzira yeHetroni, kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Zedadi; 16neHamati, neBerota, neSibraimi, riri pakati pomuganho weDamasko nomuganho weHamati; neHazeri‐hatikoni, riri pamuganho weHaurani. 17Muganho unobva kuguŋgwa ndiHazari‐enoni pamuganho weDamasko; kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda kumsoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutiʋi rwokumsoro. 18Kurutiʋi rwamabvazuʋa pakati peHaurani neDamasko neGireadi nenyika yaIsraeri, muganho unofanira kuʋa Joridani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumsoro kuȿikira kuguŋgwa rokumabvazuʋa. Ndirwo rutiʋi rwamabvazuʋa. 19Rutiʋi rwezasi ɀicienda zasi, muganho ucabva paTamari kuȿikira kumvura yeMeriboti‐kadeshi, kuȿikira kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru. Ndirwo rutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi. 20Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa muganho unofanira kuʋa guŋgwa guru, kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira pakatarisana paʋanopinda kana ʋacienda Hamati. Ndirwo rutiʋi rwamaʋirazuʋa. 21Saiɀoɀo munofanira kuɀiganhurira nyika iyi, ɀicienzana namarudzi aIsraeri. 22Munofanira kuiganhura nemijenya, iʋe nhaka yenyu neyaʋatorwa ʋagere pakati penyu, ʋanozoɓereka ʋana pakati penyu; iʋo ʋanofanira kuʋa kwamuri saʋakaɓerekerwa pakati paIsraeri; ʋanofanira kugara nhaka pamŋe cete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. 23Pakati porudzi pagere mutorwa ndi’po pamunofanira kumupa nhaka yake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Currently Selected:
Ezekieri 47: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018