YouVersion Logo
Search Icon

Eksodo 13

13
Murairo wamataŋgwe.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Nditsaurirei mataŋgwe ose; ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri, kana kuʋanhu kana kuɀipfuwo, ndeɀaŋgu.
3Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Raŋgarirai zuʋa iri ramakaɓuɗiswa naro paEgipita, paimba yoʋuranda, nokuti Jehova wakakuɓuɗisai pano noruʋoko runesimba; ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kudyiwa nemi. 4Nhasi munoɓuɗa nomŋedzi weAbibi. 5Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, yaakambopikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo, nyika inoyerera mukaka noʋuci, unofanira kundoita ɓasa iri nomŋedzi uno. 6Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; pazuʋa recinomŋe Jehova ŋgaaitirwe mutambo. 7Ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa ŋgacidyiwe mazuʋa manomŋe: ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kuʋonekwa kwauri, kunyaŋge mbiriso ŋgairege kuʋonekwa kwauri panyika yako yose. 8Ʋudza mŋanakomana wako nomusi iwoyo, uti: Ndiɀo ɀinoratidza ɀandakaitirwa naJehova musi wandakaɓuɗa Egipita. 9Cinofanira kuʋa ciratidzo kwauri paruʋoko rwako, neciraŋgaridzo pakati pameso ako, kuti murairo waJehova uʋe mumuromo mako; nokuti Jehova wakakuɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba. 10Naiɀoɀo unofanira kuceŋgeta murairo uyu neŋguʋa yawo gore rimŋe nerimŋe.
11Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, seɀaakakupikira iwe namadziɓaɓa ako, akakupa iyo, 12unofanira kusanaŋgurira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, neɀokutaŋga ɀose paɀipfuwo ɀaunaɀo, ɀirume ndeɀaJehova. 13Mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo; mataŋgwe ose aʋanhu pakati paʋanakomana ʋako unofanira kuadzikinura. 14Ɀino kana mŋanakomana wako acizokubvunza paŋguʋa inoʋuya, akati: Cinyiko ici? Uti kwaari: Jehova wakatiɓuɗisa noruʋoko runesimba paEgipita paimba yoʋuranda; 15nokuti paŋguʋa iyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehova wakaʋuraya mataŋgwe ose enyika yeEgipita, mataŋgwe ose aʋanhu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; naiɀoɀo ndinoɓayira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana ɀiri ɀirume; asi mataŋgwe ose aʋanakomana ʋaŋgu ndinoadzikinura. 16Ici cicaʋa ciratidzo paruʋoko rwako, norundanyara pameso ako; nokuti Jehova wakatiɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba.
ƲaIsraeri ʋanoɓuɗa Egipita.
17Ɀino Farao wakati aregedza ʋanhu kuti ʋaende, Mŋari haana‐kuʋafambisa nenzira yapanyika yaʋaFiristia, kunyaŋge yaiʋa pedyo, nokuti Mŋari wakati: Ɀimŋe ʋanhu ʋaŋgaɀiɗemba, kana ʋaciʋona kurwa, ʋakadzokera Egipita; 18asi Mŋari wakapotesa ʋanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGuŋgwa Dɀuku; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa. 19Mosesi akatora mafupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti wakaŋga apikisa ʋana ʋaIsraeri, aciti: Ɀirokwaɀo Mŋari ucakushanyirai, mucabva pano, mugoenda ʋo namafupa aŋgu. 20Ɀino ʋakataŋga rwendo rwaʋo ʋakabva Sukoti, ʋakandoʋaka misasa yaʋo paEtami, pamuceto werenje. 21Jehova akaʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore rokuʋaperekedza panzira, ʋusiku neshoŋgwe yomŋoto yokuʋavenekera, kuti ʋafambe masikati noʋusiku 22Shoŋgwe yegore yakaŋga isiŋgabvi pamberi paʋanhu masikati, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku.

Currently Selected:

Eksodo 13: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in