Eksodo 14
14
1Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 2Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadzoke, ʋaʋake misasa yaʋo pamberi paPihahiroti, pakati peMigdori neguŋgwa, pamberi peBaari‐zefoni; muʋake misasa yenyu paguŋgwa pakatarisana napo. 3Ɀino Farao ucati pamsoro paʋana ʋaIsraeri: Ʋarasha nzira panyika, renje raʋadziʋirira. 4Ndicawomesa mŋoyo waFarao kuti aʋateʋerere; ini ndicakudzwa pamsoro paFarao napahondo yake yose; ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Ʋakaita saiɀoɀo. 5Ɀino mambo weEgipita wakaʋudzwa kuti ʋanhu ʋatiza; mŋoyo waFarao nowaʋaranda ʋake ukashandukira ʋanhu, ʋakati: Taita seiko ɀatatendera ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋacitiɓatira kuti ʋaende? 6Ɀino akagadzira ŋgoro yake, akaenda naʋanhu ʋake; 7akatora ŋgoro dzakatsaurwa dzinamazana matanhatu, neŋgoro dzose dzeEgipita, dzinaʋatariri ʋadzo dzose. 8Jehova akawomesa mŋoyo waFarao, mambo weEgipita, akateʋerera ʋana ʋaIsraeri, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaɓuɗa noruʋoko runesimba. 9ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera namabiza ose neŋgoro dzaFarao, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, nehondo yake, ʋakaʋaɓata ʋaciri pamisasa paguŋgwa, paPihahiroti pamberi peBaari‐zefoni. 10Ɀino Farao wakati aȿika pedyo, ʋana ʋaIsraeri ʋakasimudza meso aʋo, ʋakaʋona ʋaEgipita ʋaciʋateʋerera, ʋakatya kwaɀo; ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova. 11Ʋakati kunaMosesi: Makaŋga muciti hamunamabgiro paEgipita, mukatibvisa’ko kuti tifire murenje here? Makatiitireiko ɀamatiɓuɗisa paEgipita? 12Ko harizi shoko iro ratakakuʋudzai paEgipita here, ticiti: Tiregei, tiɓatire heɗu ʋaEgipita? Nokuti ɀiri nani kuti tiɓatire ʋaEgipita, pakuti tifire murenje. 13Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi. 14Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.
15Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Unoɗanidzireiko kwandiri? Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋapfuʋurire mberi. 16Iwe simudza tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, uritsemure napakati, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋafambe pakawoma mukati meguŋgwa. 17Tarira, ndicawomesa mŋoyo yaʋaEgipita, kuti ʋapinde ʋo ʋaciʋateʋerera, ini ndizokudzwa pamsoro paFarao napamsoro pehondo yake yose, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza. 18Ipapo ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndakudzwa pamsoro paFarao, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza. 19Ɀino mutumŋa waMŋari, wakaŋga akatuŋgamirira hondo yaʋaIsraeri, wakabva’po, akaenda shure kwaʋo; shoŋgwe yegore ikabva mberi kwaʋo, ikandomira shure kwaʋo. 20Ikapinda pakati pemisasa yaʋaEgipita nemisasa yaʋaIsraeri; gore nerima, ɀikaʋa’po asi rakavenekera ʋusiku; haʋana‐kusweɗerana ʋusiku bgose. 21Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka. 22Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakapinda nomukati meguŋgwa pakawoma, mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo. 23ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera, ʋakapinda shure kwaʋo mukati meguŋgwa namabiza aFarao ose, neŋgoro dzake naʋataȿi ʋake ʋamabiza. 24Maŋgwanani Jehova akatarira hondo yaʋaEgipita, ari mushoŋgwe yomŋoto neyegore, akavundusa hondo yaʋaEgipita. 25Akanyudza makumbo eŋgoro dzaʋo, dzikatambudzika pakufamba; ʋaEgipita ʋakazoti: Ŋgatitize pamberi paʋaIsraeri, nokuti Jehova unoʋarwira iʋo, asi unorwa naʋaEgipita.
26Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, kuti mvura idzokere pamsoro paʋaEgipita, napamsoro peŋgoro dzaʋo, napamsoro paʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza. 27Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, guŋgwa rikadzokera kwakare kwoedza; ʋaEgipita ʋakatizira mukati maro; Jehova akaparadza ʋaEgipita mukati meguŋgwa; 28mvura ikadzoka, ikafukidza ŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza, nehondo yose yaFarao yakaŋga yapinda muguŋgwa iciʋateʋerera; hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe waʋo. 29Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa; mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo. 30Jehova akarwira ʋaIsraeri saiɀoɀo nomusi iwoyo pamaʋoko aʋaEgipita; ʋaIsraeri ʋakaʋona ʋaEgipita ʋakaŋga ʋafa pamhenderekedzo dzeguŋgwa. 31Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ɓasa guru rakaŋga raitirwa ʋaEgipita naJehova, ʋanhu ʋakatya Jehova, ʋakatenda Jehova naMosesi muranda wake.
Currently Selected:
Eksodo 14: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018