YouVersion Logo
Search Icon

Danieri 4

4
Nebukadnezari unorota ɀomuti mukuru. Danieri unoɀiɗudzira.
1Mambo Nebukadnezari kuʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere pasi pose: Muwanzirwe rugare! 2Ndakati ɀakanaka kuti ndikuziʋisei ɀiratidzo neɀishamiso, ɀandakaitirwa naMŋari Wokumsoro‐soro. 3Ɀiratidzo ɀake ɀakakura sei! Ɀishamiso ɀake ɀinesimba guru sei! Ʋushe bgake ʋushe ʋusiŋgaperi, kuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi.
4Ini Nebukadnezari ndakaŋga ndigere norugare mumba maŋgu, ndinomufaro muimba yaŋgu yoʋushe. 5Ndikaʋona kurota kwakandityisa, pfuŋgwa dzaŋgu panhoʋo dzaŋgu, neɀandakaratidzwa mumusoro maŋgu ɀikanditambudza. 6Naiɀoɀo ndakatema cireʋo kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋuyiswe pamberi paŋgu, kuti ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwokurota. 7Ipapo ʋakacenjera neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi ʋakaʋuya, ndikaʋaʋudza kurota kwaŋgu, asi haʋana‐kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. 8Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti: 9Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo. 10Ɀandakaʋona mumusoro maŋgu, ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndiɀeɀi: Ndakatarira, ndikaʋona muti pakati penyika, kureɓa kwawo kwakaŋga kuri kukuru. 11Muti ukakura, ukasimba, kureɓa kwawo kukaȿika kuɗeŋga, ʋuye wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose. 12Mashizha awo akaŋga akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakaŋga ɀiri ɀizhinji, ɀose ɀaiwana’po ɀokudya; mhuka dzesaŋgo dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokuɗeŋga dzaigara mumataʋi awo, ʋuye ɀipenyu ɀose ɀaidya’po. 13Ndikaʋona paneɀandakaʋona mumusoro maŋgu ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndikaʋona murindi, iye ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga. 14Akaɗanidzira, akati: Temai muti, raŋgurai mataʋi awo, pururai mashizha awo, paradzirai ɀiɓereko ɀawo; mhuka ŋgadzibve pasi pawo, neshiri pamataʋi awo. 15Asi siyai hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo; ŋgaanyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, apiwe mugoʋe wake woʋuswa pamŋe cete nemhuka dzenyika; 16mŋoyo wake ŋgaushandurwe, urege kuʋa womunhu, apiwe mŋoyo wemhuka, ŋguʋa nomŋe dzipere ari’po. 17Kutoŋga uku kwaʋuya necireʋo caʋarindi, cinhu ici carebga neshoko raʋatȿene, kuti ʋapenyu ʋaziʋe kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa, nokugadza paʋuri ʋaɗuku pakati paʋanhu. 18Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, cindiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako.
19Ɀino Danieri, wakaŋga anezita rinonzi Berteshazari, wakashaiwa shoko ciŋguʋa ciɗuku, pfuŋgwa dzake dzikamuvundusa. Mambo akapindura, akati: Berteshazari, kurota uku nokuɗudzirwa kwaɀo ŋgaɀirege kukuvundusa. Berteshazari akapindura, akati: Ishe waŋgu, kurota uku ŋgakuitirwe ʋanokuʋeŋgai, nokuɗudzirwa kwaɀo ʋadziʋisi ʋenyu. 20Muti wamakaʋona, iwo wakakura ukasimba, wakaȿika kuɗeŋga pakureɓa kwawo, wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose; 21wakaŋga unamashizha akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀiri ɀizhinji, paiwana ɀose ɀokudya, waigara mhuka dzesaŋgo pasi pawo, ʋuye paigara shiri dzokuɗeŋga mumataʋi awo, 22ndiyemi mambo; imi makakura, mukaʋa nesimba, nokuti ʋukuru bgenyu bgakakura, ʋunoȿikira kuɗeŋga, ʋuye ʋushe bgenyu ʋunoȿikira kumugumo wenyika. 23Ɀino mambo ɀaakaʋona murindi, ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga aciti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo, anyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye apiwe mugoʋe wake pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo, kuȿikira ŋguʋa nomŋe dzapera ari’po; 24uku ndiko kuɗudzirwa kwaɀo, imi mambo, ndico cireʋo coWokumsoro‐soro, cicaʋuya pamsoro pashe waŋgu mambo: 25Mucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgenyu ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo, mucadyiswa ʋuswa senzombe, mucanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye ŋguʋa nomŋe dzicapera muri’po, kuȿikira maziʋa kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. 26Ʋuye ɀaʋakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ʋushe bgenyu ʋucakumutsirwai ɀe, kana matenda kuti Wokuɗeŋga ndiye unoɓata ʋushe. 27Naiɀoɀo imi mambo, tendai ɀandinokurairai, muparadzane neɀiʋi ɀenyu muciita ɀakarurama, ʋuye neɀakaipa ɀenyu, muciitira ʋarombo nyasha; ɀimŋe ŋguʋa yenyu yorugare iŋgawedzerwa. 28Iɀeɀi ɀose ɀakawira mambo Nebukadnezari. 29Mŋedzi inegumi nemiʋiri yakati yapera, wakaŋga acifamba paimba yoʋushe paBabironi. 30Mambo akataura, akati: Ko iri harizi Babironi, guta guru, randakaʋaka ini nesimba raŋgu guru, ndikurise ʋumambo bgaŋgu, ʋuʋe ʋugaro bgamadzimambo, here? 31Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri. 32Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. 33Neŋguʋa iyo cinhu ici cakaitika pamsoro paNebukadnezari; wakadziŋgwa pakati paʋanhu, akadya ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira vudzi rake rareɓa seminheŋga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri. 34Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi; 35ʋose ʋagere panyika ʋakaita saʋasinamaturo; iye unoita seɀaanoɗa pahondo yokuɗeŋga, napakati paʋagere panyika; hakunauŋgadzora ruʋoko rwake, kana uŋgati kwaari: Unoiteiko? 36Neŋguʋa iyeyo simba raŋgu rokufuŋga rakadzokera kwandiri; ʋuye kana iri mbiri yoʋushe bgaŋgu, ʋumambo bgaŋgu nokubginya kwaŋgu ɀakadzokera kwandiri; makurukota aŋgu namadzishe aŋgu akandishanyira ɀe, ndikagadzwa ɀe paʋushe bgaŋgu, ʋukuru bgakaiȿo‐naka ʋukandiwedzerwa. 37Ɀino ini Nebukadnezari ndinorumbidza nokuwombera nokukudza Mambo wokuɗeŋga; nokuti maɓasa ake ose ndeeɀokwaɗi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuɗeredza ʋanofamba ʋaciɀikudza.

Currently Selected:

Danieri 4: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in