YouVersion Logo
Search Icon

I Samueri 23

23
Davidi unorwira Keira, ndokundogara kurenje.
1Ɀino ʋanhu ʋakaʋudza Davidi, ʋakati: Tarirai, ʋaFiristia ʋanorwa neKeira, ʋacipambara ɀiri pamapuriro. 2Naiɀoɀo Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndoenda, ndindoparadza ʋaFiristia aʋo here? Jehova akati kunaDavidi: Enda undoparadza ʋaFiristia, uponese Keira. 3Ʋarume ʋaDavidi ʋakati kwaari: Tarirai, isu tinotya ticiri pano paJuda, ndoɗa kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzaʋaFiristia. 4Ɀino Davidi akabvunza ɀe Jehova, Jehova akamupindura, akati: Simuka, uɓurukire Keira, nokuti ndicaisa ʋaFiristia muruʋoko rwako. 5Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda Keira, ʋakandorwa naʋaFiristia, ʋakaʋatorera ŋombe dzaʋo, ʋakaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru. Naiɀoɀo Davidi akaponesa ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Keira.
6Ɀino Abiatari mŋanakomana waAhimereki pakutizira kwake kunaDavidi paKeira, wakaenda akaɓata efodi paruʋoko rwake. 7Sauro akaʋudzwa kuti Davidi waȿika Keira. Sauro akati: Mŋari wamuisa muruʋoko rwaŋgu, nokuti wazaririrwa’mo, ɀaapinda muguta rinamasuʋo neɀipfigiso. 8Sauro akaɗana ʋanhu ʋose kundorwa, akaɓurukira Keira, akakomba Davidi naʋanhu ʋake. 9Asi Davidi wakaziʋa kuti Sauro wakafuŋga kumuitira ɀakaipa, akati kunaAbiatari muprista: Ʋuya pano neefodi. 10Ɀino Davidi akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, muranda wenyu wakanzwa ɀirokwaɀo kuti Sauro unoɗa kuʋuya Keira, kuzoparadza guta nokuɗa kwaŋgu. 11Ko ʋarume ʋeKeira ʋacandiisa mumaʋoko ake here? Ko Sauro ucaɓuruka here, seɀakanzwa muranda wenyu? Jehova, Mŋari waIsraeri, ndinokumbira muziʋise henyu muranda wenyu. Jehova akati: Ucaɓuruka. 12Davidi akati: Ko ʋarume ʋeKeira ʋacandiisa naʋanhu ʋaŋgu muruʋoko rwaSauro here? Jehova akati: Ʋacakuisa. 13Ipapo Davidi naʋanhu ʋake, ʋaneŋge mazana matanhatu, ʋakasimuka, ʋakabva Keira, ʋakafamba‐famba haʋo. Sauro akaʋudzwa kuti Davidi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuenda’ko.
14Davidi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutȿaka mazuʋa ose, asi Mŋari haana‐kumuisa muruʋoko rwake. 15Ɀino Davidi akaʋona kuti Sauro wakaŋga aɓuɗa kuzotȿaka kumuʋuraya, Davidi akagara murenje reZifi muɗondo. 16Ipapo Jonatani mŋanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kunaDavidi muɗondo, akamusimbisa munaMŋari. 17Akati kwaari: Usatya, nokuti ruʋoko rwaɓaɓa ʋaŋgu Sauro haruŋgakuwani; ucaʋa mambo waIsraeri, neni ndicaʋa muɗuku kwauri; naɓaɓa ʋaŋgu Sauro ʋanoɀiziʋa. 18Iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano pamberi paJehova; Davidi akagara muɗondo, Jonatani akadzokera kumba kwake. 19Ɀino ʋaZifi ʋakakwira kunaSauro paGibea, ʋakati: Ko Davidi haazinoʋanda kwatiri, panhare muɗondo, mugomo reHakira riri kurutiʋi rwezasi rwerenje here? 20Naiɀoɀo ɀino, mambo ɓurukai, seɀinoɗa mŋoyo wenyu; kana tiri’su ndiro ɓasa reɗu kuti timuise pamaʋoko amambo. 21Ipapo Sauro akati: Imi muropafadzwe naJehova, nokuti makandinzwira tsitsi. 22ciendai henyu, mucerekedze kwaɀo, muziʋe nokuʋona kwaari, kwaanogara, ʋuye kuti ndianiko wakamuʋona’ko; nokuti ndaʋudzwa kuti unamano kwaɀo. 23Naiɀoɀo tarisisai, muziʋe ɀakanaka nɀimbo dzake dzose dzaanoʋanda kwadziri, mugodzokera ɀe kwandiri ɀirokwaɀo, ndiende nemi; ɀino kana aciŋge ari munyika iyo, ndicandomutȿakisisa pakati peɀuru ɀaʋaJuda. 24Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Davidi naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋari murenje reMaoni paAraba kurutiʋi rwezasi rwerenje. 25Ɀino Sauro naʋanhu ʋake ʋakaenda kundomutȿaka. Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; naiɀoɀo akaɓurukira kuɗombo, akandogara murenje reMaoni. Ɀino Sauro wakati aciɀinzwa, akateʋera Davidi kurenje reMaoni. 26Sauro akaenda necoʋuno kwegomo, Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda neceseri kwegomo; Davidi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋakomba Davidi naʋanhu ʋake, kuti ʋaʋaɓate. 27Asi nhume yakaȿika kunaSauro, ikati: Kurumidzai, muʋuye, nokuti ʋaFiristia ʋopambara nyika. 28Naiɀoɀo Sauro akadzoka pakuteʋera Davidi, akandorwa naʋaFiristia. Naiɀoɀo ʋakapatumidza Sera‐hamarekoti. 29Davidi akakwira, akabva’po, akandogara munhare dzapaEni‐gedi.

Currently Selected:

I Samueri 23: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in