I Samueri 21
21
Davidi unotizira Nobi nokunaAkishi paGati.
1Ɀino Davidi akaȿika Nobi kunaAhimereki muprista; Ahimereki akasoŋgana naDavidi aciɗeɗera; akati kwaari: Uri woga neiko, usinomumŋe newe? 2Davidi akati kunaAhimereki muprista: Mambo wakandiraira ɓasa, akati kwandiri: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋa cinhu ceɓasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusoŋgana neni paneimŋe nɀimbo. 3Naiɀoɀo ɀino, muneiko pano? Ndipei ɀiŋgwa ɀishanu muruʋoko rwaŋgu, kunyaŋge ɀipi neɀipi ɀiri’po. 4Muprista akapindura Davidi, akati: Hapaneciŋgwa cinosidyiwa muruʋoko rwaŋgu, asi ciŋgwa citȿene ndico ciri’po; kwoga kana majaya akaɀidzora kuʋakadzi. 5Davidi akapindura muprista, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ʋakadzi ʋakadziʋiswa kwatiri sapaŋguʋa dzose kana ndicifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakaŋga dziri tȿene, kunyaŋge rwaiʋa rwendo rwamazuʋa ose harwo, ndoɗa nhasi nhumbi dzaʋo dzicaʋa tȿene. 6Naiɀoɀo muprista akamupa ciŋgwa citȿene, nokuti kwakaŋga kusineciŋgwa’po, asi ciŋgwa cokuratidza, cakaŋga cabviswa pamberi paJehova, kuti ciŋgwa cinopisa ciiswe’po pazuʋa rokubviswa kwaco. 7Ɀino mumŋe muranda waSauro wakaŋga ari’po nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehova, wainzi Doegi, muEdomi, mutariri waʋafudzi ʋaSauro. 8Davidi akati kunaAhimereki: Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina‐kuʋuya nomunondo waŋgu, kana nhumbi dzaŋgu dzokurwa nadzo, nokuti ɓasa ramambo raifanira kukurumidzirwa. 9Muprista akati: Munondo waGoriati muFiristia, wawakaʋuraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumuceka mberi kweefodi; kana uciɗa kuutora, citora hako, nokuti hakunomumŋe asi iwoyo. Davidi akati: Hakunomumŋe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
10Davidi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kunaAkishi, mambo weGati. 11Ɀino ʋaranda ʋaAkishi ʋakati kwaari: Ko uyu haazi Davidi mambo wenyika here? Haazi iye waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti:
Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake,
Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake?
12Davidi akaraŋgarira mashoko iwayo mumŋoyo make, akatya kwaɀo Akishi mambo weGati. 13Akashandura mugarire wake pamberi paʋo, akaɀiita seɓenzi pakati paʋo, akakwara‐kwara pamagonhi esuʋo, akarega mate ake acisiririka pandebvu dzake. 14Ɀino Akishi akati kuʋaranda ʋake: Tarirai, munhu uyu iɓenzi; maʋuyireiko naye ʋuno kwandiri? 15Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, ɀamaʋuya nomunhu uyu kuzoratidza ʋupenzi bgake pamberi paŋgu? Munhu wakaɗai uŋgapinda mumba maŋgu here?
Currently Selected:
I Samueri 21: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018