YouVersion Logo
Search Icon

I ƲaKorinte 5

5
Pauro unoraira ʋaKorinte pamsoro poʋupombge.
1Ʋanhu ʋose ʋanoti ʋupombge bguri’po pakati penyu, ʋupombge bgakaɗaro bgusiŋgazikanwi kunyaŋge pakati paʋahedeni, bgokuti mumŋe unogara nomukadzi waɓaɓa ʋake. 2Munoɀikudza, haɀizaiʋa nani here kana makacema, kuti uyo wakaɓateɓasa iri abviswe pakati penyu? 3Nokuti ini, ɀirokwaɀo, kunyaŋge ndisi’po nomuʋiri, asi ndiri’po haŋgu nomŋeya, ndatotoŋgesa uyo wakaita cinhu ici, sendineŋge ndiri’po, 4nemi, makaʋuŋgana pamŋe cete nomŋeya waŋgu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe weɗu Jesu, 5kuti munhu wakaɗai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mŋeya uponeswe pazuʋa raShe. 6Kuɀirumbidza kwenyu hakuna‐kunaka. Ko hamuziʋi kuti mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose here? 7Bvisai mbiriso yekare, kuti muʋe ɓundu idɀa, seɀamusina‐kuʋiriswa. Nokuti paseka yeɗu, yakatiɓayirwa, ndiKristu; 8saka ŋgatiite mutambo, tisiŋgaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa cokururama neɀokwaɗi.
9Ndakakunyorerai neŋwadi yaŋgu, kuti murege kufambidzana nemhombge; 10handiti nemhombge dzose dzenyika ino, kana ʋanoruciʋa, kana makororo, kana ʋanonamata ɀifananidzo, nokuti kana ɀakaɗaro maifanira kubva panyika. 11Asi ɀino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombge, kana unoruciʋa, kana unonamata ɀifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa ɗoro, kana gororo; musadya nowakaɗai. 12Nokuti ini ndicatoŋgereiko ʋari kunze? Ko imi hamutoŋgi ʋari pakati penyu here? 13Asi aʋo ʋari kunze. Mŋari unoʋatoŋga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.

Currently Selected:

I ƲaKorinte 5: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in