YouVersion Logo
Search Icon

I ƲaKorinte 6

6
Pauro unoʋaraira pamsoro pokupesana.
1Ko kana mumŋe wenyu anemhoȿa nomumŋe, uŋgatsuŋga kumukwirira kunaʋasakarurama, akasamukwirira kunaʋatȿene here? 2Hamuziʋi here kuti ʋatȿene ʋacatoŋga nyika? Ɀino kana nyika icitoŋgwa nemi, ko imi hamufaniri kutoŋga mhoȿa ɗuku‐ɗuku here? 3Hamuziʋi here kuti ticatoŋga ʋatumŋa? Ɀikuru sei iɀo ɀoʋupenyu bguno! 4Ɀino kana munemhoȿa dzoʋupenyu bguno dzinofanira kutoŋgwa, munogadza seiko aʋo ʋanoɀidzwa pakereke, kuti iʋo ʋatoŋge? 5Ndinoɗaro kuti munyadziswe. Ko hakuna‐wakacenjera pakati penyu uŋgagona kutoŋga pakati pehama nehama yake here? 6Asi hama inokwirira hama, aciɀiita pamberi paʋasiŋgatendi here? 7Ɀino matoʋa nemhoȿa kwaɀo pakati penyu, ɀamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa ɀisakarurama? Munoregereiko kutenda kuɓirwa? 8Asi imi munoita ɀisakarurama, munonyeŋgera, muciɀiitira hama. 9Ko hamuziʋi kuti ʋasakarurama haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari here? Musarashika; nokuti mhombge, kana ʋanonamata ɀifananidzo, kana ʋanofeʋa, kana ʋakapata, kana ʋanoita ɀakaipa naʋarume, 10kana mbava, kana ʋanoruciʋa, kana ʋanosinwa ɗoro, kana ʋatuki, kana makororo, haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari. 11Ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋakaɗaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa ʋatȿene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMŋeya waMŋari weɗu.
Miʋiri yeɗu mitezo yaJesu Kristu.
12Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀinhu ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose, asi handiɗi kukundwa necinhu cimŋe. 13Ɀokudya ndeɀeɗumbu, neɗumbu ndereɀokudya; asi Mŋari ucaparadza iro naiɀo, ɀose. Asi muʋiri hauzi woʋupombge, asi ndowaShe; naShe ndowomuʋiri; 14Mŋari wakamutsa Ishe, ʋuye ucatimutsa isu nesimba rake. 15Hamuziʋi kuti miʋiri yenyu mitezo yaKristu here? Ɀino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiiite mitezo yemhombge here? Haiȿa! 16Hamuziʋi kuti wakasoŋganiswa nemhombge waʋa muʋiri mumŋe naye here? Nokuti iye unoti: Aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. 17Asi wakasoŋganiswa naShe, waʋa mŋeya mumŋe naye. 18Tizai ʋupombge. Ɀiʋi ɀose, ɀinoitwa nomunhu, ɀiri kunze kwomuʋiri; asi unoita ʋupombge, unotadzira muʋiri wake. 19Hamuziʋi here kuti muʋiri wenyu itembere yoMŋeya Mutȿene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMŋari? Hamuzi ʋenyu; 20nokuti makateŋgwa nomuteŋgo; naiɀoɀo kudzai Mŋari mumuʋiri wenyu.

Currently Selected:

I ƲaKorinte 6: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in