1
VaEfeso 6:12
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.
Compare
Explore VaEfeso 6:12
2
VaEfeso 6:18
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose
Explore VaEfeso 6:18
3
VaEfeso 6:11
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori.
Explore VaEfeso 6:11
4
VaEfeso 6:13
Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
Explore VaEfeso 6:13
5
VaEfeso 6:16-17
pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari
Explore VaEfeso 6:16-17
6
VaEfeso 6:14-15
Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare
Explore VaEfeso 6:14-15
7
VaEfeso 6:10
Pakupedzisira ivai nesimba muna Ishe, nomusimba rake guru.
Explore VaEfeso 6:10
8
VaEfeso 6:2-3
Kudza baba vako namai ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.
Explore VaEfeso 6:2-3
9
VaEfeso 6:1
Imi vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti ndizvo zvakarurama.
Explore VaEfeso 6:1
Home
Bible
Plans
Videos