Johane 11
11
Jesu unomutsa Razaro.
1Mumŋe munhu wakaŋga acirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta. 2Ndiye Maria uya, wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; hanɀadzi yake Razaro, wakaŋga acirwara. 3Ɀino hanɀadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dziciti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara. 4Jesu wakati aɀinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mŋari akudzwe, noMŋanakomana waMŋari akudzwe ʋo naɀo. 5Jesu wakaŋga aciɗa Marta, nomunuŋuna wake, naRazaro. 6Ɀino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuʋa maʋiri paakaŋga ari. 7Shure kwaiɀoɀo akati kuʋadzidzi ʋake: Hendei ɀe Judea. 8Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Rabi, ʋaJuda ʋakaŋga ʋacikutȿakai ikoɀino, kuti ʋakutakei namabge; ɀino moenda ɀe ikoko here? 9Jesu akapindura, akati: Ŋguʋa hadzizi gumi nembiri pazuʋa here? Kana munhu acifamba masikati, haagumburwi, nokuti unoʋona ciedza cenyika ino. 10Asi kana munhu acifamba ʋusiku, unogumburwa, nokuti hakuneciedza maari. 11Ndiɀoɀo ɀaakareʋa, akazoti kwaʋari: Razaro, hama yeɗu, waʋata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope. 12Ɀino ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ishe, kana aciʋata, ucanaya. 13Jesu wakaŋga areʋa kufa kwake, asi iʋo ʋakaŋga ʋaciti, unoreʋa kuʋata hope. 14Ipapo Jesu akaʋaʋudza pacena: Razaro wafa. 15Ndinofara nokuɗa kwenyu, kuti ndakaŋga ndisi’po, kuti mugotenda; asi ɀino hendei kwaari. 16Ipapo Tomasi, wainzi Didimo, akati kunaʋamŋe ʋadzidzi: Hendei nesu ʋo, kuti tindofa naye.
17Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna. 18Betania rakaŋga riri pedyo neJerusarema, mastadia aneŋge gumi namashanu#11:18 Maira dzineŋge mbiri.; 19ʋazhinji ʋaʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMarta naMaria, kuti ʋaʋaɓate ruʋoko pamsoro pehanɀadzi yaʋo. 20Ɀino Marta wakati acinzwa kuti Jesu woʋuya, akaenda kundomuciŋgamidza; asi Maria wakagara mumba. 21Marta akati kunaJesu: Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. 22Kunyaŋge ɀino ndinoziʋa, kuti ɀose ɀamunokumbira kunaMŋari, Mŋari ucakupai. 23Jesu akati kwaari: Hanɀadzi yako icamuka ɀe. 24Marta akati kwaari: Ndinoziʋa kuti ucamuka ɀe pakumuka nezuʋa rokupedzisira. 25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noʋupenyu; unotenda kwandiri, kunyaŋge akafa, ucararama. 26Mumŋe nomumŋe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haaŋgatoŋgofi. Unotenda iɀoɀo here? 27Akati kwaari: Hoŋo, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mŋanakomana waMŋari, uyo wainzi unoʋuya panyika. 28Wakati areʋa iɀoɀo, akandoɗana Maria, munuŋuna wake, akati kwaari ʋari ʋoga: Mudzidzisi waȿika, unokuɗana. 29Iye wakati aciɀinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. 30(Ɀino Jesu wakaŋga asati aȿika pamusha, asi wakaŋga aciri paya paakaciŋgamidzwa naMarta.) 31Ɀino ʋaJuda, ʋakaŋga ʋari mumba naye ʋacimuɓata ruʋoko, ʋakati ʋaciʋona Maria acikurumidza kusimuka aciɓuɗa, ʋakamuteʋera, ʋaciti, unoenda kubgiro kundocema’ko. 32Ɀino Maria wakati aciȿika kunaJesu, acimuʋona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. 33Ɀino Jesu wakati acimuʋona acicema, naʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacicema ʋo, akafa neshuŋgu mumŋeya, akatambudzika, 34akati: Mamuisepiko? Ʋakati kwaari: Ishe, ʋuyai, muʋone. 35Jesu akacema misodzi. 36Ipapo ʋaJuda ʋakati: Tarirai, waimuɗa sei! 37Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Uyu wakaȿinudza meso eɓofu, haazaigona kudziʋisa kuti uyu munhu arege kufa here? 38Ipapo Jesu akafa ɀe neshuŋgu mukati make, akaȿika pabgiro. Iro raiʋa ɓako, nebge rakaŋga riri pamsoro paro. 39Jesu akati: Bvisai ibge! Marta, hanɀadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa ɀino, nokuti waʋa namazuʋa manna okufa kwake. 40Jesu akati kwaari: Handina‐kukuʋudza here, kuti kana ukatenda, ucaʋona kubginya kwaMŋari? 41Ipapo ʋakabvisa ibge. Ɀino Jesu akatarira kuɗeŋga, akati: Ƃaɓa, ndinokuʋoŋgai, nokuti mandinzwa. 42Asi ndakaŋga ndiciziʋa, kuti munosindinzwa ŋguʋa dzose; asi ndakaɀireʋa nokuɗa kwaʋazhinji ʋakandikomba, kuti ʋatende kuti makandituma. 43Wakati areʋa iɀoɀo, akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, ɓuɗa! 44Wakaŋga afa akaɓuɗa, akapombga makumbo namaʋoko nemiceka yobgiro, neciso cake cakapombga nomuceka. Jesu akati kwaʋari: Mumusunuŋgurei, aende.
45Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋaJuda, ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMaria, ʋakati ʋaʋona ɀaaita, ʋakatenda kwaari. 46Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakaenda kuʋaFarise, ʋakandoʋaʋudza ɀakaŋga ɀaitwa naJesu.
47Naiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaʋuŋganidza makurukota, ʋakati: Toɗiniko? nokuti uyu unoita ɀiratidzo ɀizhinji. 48Kana tikamurega aciɗaro, ʋanhu ʋose ʋacatenda kwaari; naʋaRoma ʋacaʋuya ʋakatitorera nɀimbo yeɗu norudzi rweɗu. 49Ɀino mumŋe waʋo, Kayafasi, wakaŋga ari muprista mukuru gore iro, akati kwaʋari: Hamuziʋi cinhu, imi, 50ʋuye hamuraŋgariri kuti ɀirinani kwamuri, kuti munhu mumŋe afire ʋanhu, rudzi rwose rurege kufa. 51Haana‐kureʋa iɀoɀo pacake, asi, ɀaakaŋga ari muprista mukuru gore iro, wakaprofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi; 52rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aʋuŋganidze pamŋe cete ʋana ʋaMŋari ʋakapararira. 53Ɀino kubva pazuʋa iro ʋakaraŋgana, kuti ʋamuʋuraye.
54Naiɀoɀo Jesu haana‐kuzofamba pacena pakati paʋaJuda, asi wakabva’po, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko naʋadzidzi ʋake. 55Ɀino paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo, ʋanhu ʋazhinji ʋenyika iyo ʋakakwira Jerusarema, paseka isati yaȿika, kuti ʋaɀinatse. 56Ɀino ʋakatȿaka Jesu, ʋakataurirana ʋamire mutembere, ʋaciti: Munoti kuɗiniko? Munoti haaŋgaʋuyi kumutambo here? 57Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaŋga ʋaraira, kuti, aninani kana aciziʋa kwaari, aʋaziʋise, kuti ʋandomuɓata.
Tans Gekies:
Johane 11: SUB1949
Kleurmerk
Deel
Kopieer
Wil jy jou kleurmerke oor al jou toestelle gestoor hê? Teken in of teken aan
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018