Mavambo 10

10
Zvizvarwa zvavana vatatu vaNowa
(1 Nhor 1:5–23)
1Izvi ndizvo zvizvarwa zvavana vaNowa vanoti Shemu naHamu naJafeti zvaakabereka shure kwamafashamo emvura.
Zvizvarwa zvokwaJafeti
2Jafeti akabereka vanakomana vake vanoti: Gomeri naMagogu naMadhai naJavhani naTubhari naMesheki naTirasi. 3Gomeri akabereka vanakomana vake vanoti: Ashikenazi naRifati naTogarima. 4Javhani akabereka vanakomana vake vanoti: Erisha naTarishishi naKitimu naDhodhanimu. 5Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo.
Zvizvarwa zvokwaHamu
6Hamu akabereka vanakomana vake vanoti: Kushi naIjipiti#10:6 naIjipiti: Vamwe vanoti Mitsiraimu. naPuti naKanani.
7Kushi akabereka vanakomana vake vanoti: Sebha naHavhira naSabhuta naRaama naSabhuteka. Raama akabereka vanakomana vake vanoti: Shebha naDhedhani. 8Kushi akaberekawo mwana wake mukomana anonzi Nimurodhi. Nimurodhi ndiye akazova mambo wokutanga pasi pano. 9Nenyasha dzaTenzi, Nimurodhi aiva hombarume chaiyo ndosaka vanhu vakazoita tsumo inoti, “Nenyasha dzaTenzi, ihombarume chaiyo saNimurodhi.”
10Akatanga kutonga Bhabheri neEreki neAkadhi munyika yeShinari. 11Akabva kunyika iyoyo akaenda kunyika yeAsiria, ndokuvaka guta reNinevhe neRehobhoti neKara 12neReseni, guta guru riri pakati peNinevhe neKara.
13Ijipiti akabereka Rudhimu naAnamimu naRehabhimu, kwouya Nafutuhimu 14naPatirusimu naKasiruhimu tateguru kwakabva vaFirisitia, naKafutorimu.
15Kanani akabereka Sidhoni dangwe rake, naHeti 16ndiye tateguru wamarudzi aya anoti, vaJebhusi nevaAmori nevaGirigashi, 17kwoti vaHivhi nevaAriki nevaSinai 18kwozoti vaArivhadhi nevaZemari nevaHamati. Gare gare madzinza evaKanani akazopararira. 19Nyika yavaKanani yaivambira kuSidhoni zvichienda kuGerari, kundosvika kuGaza, zvoenda nokuSodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu kundogumira kuRasha. 20Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaHamu, namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo.
Zvizvarwa zvokwaShemu
21Shemu mukoma waJafeti akaberekawo vana. Ndiye tateguru wemhuri yevaEbheru. 22Shemu akabereka vanakomana vake vanoti: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu. 23Aramu akabereka vanakomana vake vanoti: Uzi naHuru naGeteri naMashi. 24Aripakishadhi akabereka Shera, aShera akabereka Ebheru. 25Ebheru akabereka vanakomana vake vaviri, mumwe ndiPeregi#10:25 Peregi: Zvinoreva kuti kuparadzanisa. nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamuraniswa. Munun'una wake ainzi Jokitani.
26Jokitani akabereka Arimodhadhi naSherefu naHazarimavheti naJera, 27kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira 28naObhari naAbhimaeri naShebha 29kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu, vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani. 30Nyika yavakanga vagere yaibvira kuMesha ichinanga nokuSefari kugomo rokumabvazuva. 31Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaShemu namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo.
32Iwaya ndiwo madzinza emhuri dzavanakomana vaNowa, nezvizukuru zvavo uye nendudzi dzavo, vakazotekeshera panyika mushure mamafashamo emvura.

目前选定:

Mavambo 10: SCLBC

高亮显示

分享

复制

None

想要在所有设备上保存你的高亮显示吗? 注册或登录