Genesi 15
15
Jehovha anoita sungano naAbhuramu
1Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, âUsatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.â
2Abhuramu akati, âIshe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?â 3Abhuramu akati, âTarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.â
4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, âUyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.â 5Akamubudisa panze akati, âZvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga.â Akati kwaari, âNdizvo zvichaita vana vako.â
6Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
7Akati kwaari, âNdini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.â
8Iye akati, âIshe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?â
9Akati kwaari, âNditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.â 10Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. 11Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.
12Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. 13Akati kuna Abhuramu, âUzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; 14asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. 15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. 16Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.â
17Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. 18Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, âVana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi. 19VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni, 20navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi, 21navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.â
Nu markerat:
Genesi 15: SNA2002
MĂ€rk
Dela
Kopiera

Vill du ha dina höjdpunkter sparade pÄ alla dina enheter? Registrera dig eller logga in
© Shona Union Version 2002