Zvibayiro Zvipenyu Kuna MwariChikamu
Batira Mwari
Vose vanotenda kwaari vanofanira kuoneka nekuita kwavo kunoratidzwa kushandurwa paupenyu nekuupa sechibairo kuna Mwari. Kuzikanwa kwemukristu atendera kuti nyasha dzaMwari dzishande maari kunofanira kuratidzwa nezvaanoita kunyange nemuviri wake, kuupa sechibayiro chinorumbidza. Mukuita izvi, upenyu hwemukristu nekubata kwake pamweya kunofanira kutevera nzira yaShe zvichiita kuti Mwari vapiwe mbiri.
Mwari vakatipa zvose zvatingada paupenyu kuti tikwanise kuvarumbidza. Takapiwa zvipo zvemweya kuti tikwanise kuzvishandisa mukumushandira. Tese tine mabatiro akasiyana zvichienderana nenyasha dzatakapiwa. Zvinokosha kuti tikwanise kuona izvi nekushandisa zvipo izvozvo zvakaiswa matiri. Zvakapiwa kuti zvizadzise chinangwa chaMwari. Ngatizvishandisei toziva kuti chikomborero chakabva kuna Mwari.
Vateveri vaMwari hatifaniri kupera moyo. Tinofanira kukura mukufunga kuti tikwanise kubatira Mwari tiine kunzwisisa kwose.
Munamato: Mazvita Jehova Mwari nekuda kwaJesu, uye kuti ndakaponeswa nekuda kwenyasha. Ndibatsirei Mwari kuti ndikubatirei ndakaperera, uye kuti ndikwanise kushandisa zvipo zvamakandipa. Wedzerai kutenda kwangu mamuri uye nekuramba ndichivimba nemi. Muzita raJesu ndinonamata. Ameni.
Kuwedzera Kuverenga: Zvirevo 25:27, 1 VaKorinde 10:12
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
VaRoma chitsauko 12 inotipa rugwaro runotaura nezvekurarama kwemukristu. Inokurudzira kushandurwa kwemunhu pakupiwa mufungo mutsva unobatsira kushandura raramo yemunhu. Inosimbisisa kukosha kwezvipo zvemweya nebasa ringaitwa nemumwe nemumwe mumuviri waKristu. Pamusoro pazvose, inosimudzira kukosha kwerudo, rudo runokomborera kunyange munguva yekutambudzwa, ruchitsvaga runyararo nerugare.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL