Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Fara Ugowa NekutendaChikamu

Fara Ugowa Nekutenda

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Mwari Vachakupa Rugare

Chinhu chinopedza kufunganya pamusoro peramangwana kugara muuvapo hwaKristu, kumuona achitaura kwatiri, achitidzora, nekugadzirisa chimiro chose cheupenyu. Kumuka kwake Jesu ndiyo tariro yedu inooneka. Jesu vakaenda pamuchinjiko aine chokwadi nechivimbo muna Mwari izvo zvaiunza zvakanaka pamusoro peuipi hwaivapo.Guva risina chinhu chinova chisimbiso chinotipa ushingi. Hakunazve chimwe, kusanganisa rufu, chingazotibvisa kana kutipesanisa nerudo rwaMwari.

Tinotambudzika zvikuru pamusoro pezvichazouya. Dzimwe nguva tinoona sekunge nzira dzose dzavharika. Usazvidya moyo, kune imwe nzira yatisingambofungire kuti inga zarurwa. Kana tichinyengerwa mukutaura kuti, “Hapasisina chichagoneka. Ndapera zano. Hapasisisna tariro. Ndakundikana”, ipapo tinoona kuti Mwari anozarura imwe nzira yatisina kumbofungira.

Chokwadi chinooneka pamunhu anogara achitaura naMwari wake pamunyengetero nekutenda zvinonwzika mumazwi ake. Rugare rwaMwari runochengetedza hana yemunhu nekubereka zvakarurama pamafungiro emunhu. Kana minyengetero yedu tichiisa kuna Mwari tichitenda kuti Mwari vachashanda nekupindura minamato yedu, tichawana rugare mukati memoyo nemupfungwa dzedu.

Munamato: Ishe Mwari, ndinouya pamberi penyu nekuda kwechivimbiso cherugare muupenyu hwangu, rugare runopfuura kunzwisisa kwose. Tenderai kuti mifungo yangu nepfungwa dzose zvitungamirirwe munzira dzaKristu. Ndibatsirei kuti ndivimbe murudo rwenyu rusingakundikane nekuwana zororo muuvapo hwenyu. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Jakobo 1:6 | VaKorose 3:15 | Isaya 26:3.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Fara Ugowa Nekutenda

Pauro anoratidza mufaro wake pamwechete nekutenda VaFiripi nerubatsiro rwaakawana kubva kwavari. Kuwedzera pane zvipo izvozvo, vatendi vakazvipira kutumira mari munguva yaaive ari mutirongo. Mwari vanoziva zvatinoda paupenyu, nekutivimbisa kutipa izvozvo. Tinoziva kuti tikauya nezvikumbiro kwaari, achatipa simba rekurarama nekukunda pane zvinonetsa. Ndiye simba redu.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutarenekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL

Zvirongwa zvakada kufanana neichi