Kuziva Mwari Anogara NekusingaperiChikamu
GARA UCHITAURA NAYE
Tine rombo rakanaka kuteerera Mwari Mwanakomana achitaura naBaba wake munguva iyo akanga ave kuda kupa upenyu hwake kuvanhu kuti varegererwe zvitadzo. Jesu anonamata pamusoro peukama hwake naBaba wake. Chinhu chaakakumbira ndechekuti akudzwe pabasa raanga aita.
Munyengetero waikosha panguva yebasa raaitwa naJesu. Chero nguva yakafanira, Jesu aitora nguva yake ari pakunamata. Paakatanga basa rake akatanga nemunyengetero. Paakanga opedza basa rake, akaripedza nemunyengetero zvakare. Munyengetero ndiro simba redu pane zvese zvatinoita. Kwakava kuratidzwa chinhu chakanaka uye chidzidzo kunesu tinotevera Jesu kuti tinofanira kunyengetera nguva dzose.
Nyika ino ine kurwiwa kwakanyanya. Hondo dzisingaperi dzemweya nedzenyama dziripo pakati pevanhu vaMwari nehondo yaSatani. Chinhu choga chinoita kuti tikunde hondo idzi munyengetero ndosaka tichifanira kugara tichitaura nedenga. Jesu akanamatira vadzidzi kuti vagare vaine utsvene, kuti vagare vaine mufaro, kuti vave nerunyararo nekubatana, nekudzivirirwa kubva kusimba raSatani. Kana tatanga kutaura naMwari wedu, ngatizivei zvatinofanira kunamatira. Dzimwe nguva tinofanira kuzvitsaura kubva pane zvinhu zvingatikanganisa pakunamata tonamata tiri munzvimbo dzedu tega. Jesu nguva zhinji aizvitsaura kubva muvanhu achindonamata ega. Ndinosimbisisa kuti utorewo nguva yekunamata uri wega, mumba mako kana pabasa pako, apo unokwanisa kusangana naMwari wako.
Munamato: Mazvita Jesu nekutidzidzisa kunamata. Tadzidza kukosha kwekunamata. Titondedzei Jesu kuti tinofanira kunamata mazuva ese pakupinda nekubuda kwedu. Tinoziva kuti kukunda kwedu kunouya kubudikidza nekuramba tichitaura nemi. Tibatsirei muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Mapisarema 32:6| Mateo 4:1-11| 1 VaTesaronika 5:17.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Jesu anoratidza rudo nekubatikana pamusoro peavo vaimutevera. Munyengetero wake unopa kushinga kune vatendi, mukuva neumwechete hwaanoda kwatiri iye achitimiririra. Kubudikidza nemashoko aJesu, tine udzamu weukama hwatinoona hwaMwari neMwanakomana nechinangwa chebasa rake panyika ino. Munyengetero wake unotikokera kuti tive nekunzwisisa kwakadzika pakubatana, kutenda nerudo murwendo rwedu naKristu.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL