Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kumira pazvivimbiso zvaMwariChikamu

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

ZUVA 3 REMAZUVA 3

PAMWECHETE NAMWARI

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti kunyange aizosvika pakuenda, kwakanga kusiri kuenda zvachose. Aizodzoka achivatora kuenda nawo kumusha. Vaizogara vose pamwechete semhuri imwechete. Tinoratidzwa pano kuti chinangwa chikuru chekudenga ndechekuzogara naJesu. Akazarura umambo unobwinya usingazoperi kuti tose tigamuchirwe ikoko, nevose vachazofa vari mukutenda kwavo.

Jesu achazodana vanhu vake vanodikanwa naye kumusha kuti azovapa nhaka yavo. Akakomborerwa uyo achazogara pamwechete naKristu. Apo nguva ino tichiri panyika ino, ngatisava nokushungurudzika zvikuru. Jesu vakagadzira nzvimbo yedu kare. Kana tikava nokutenda, zvemazvirokwazvo tichazogara naKristu kudenga. Vose vatendi vechokwadi vachagamuchirwa mukufara kwekuva pamwechete naKristu. Basa redu ndere kuramba tichiona denga mumaziso edu nekuona kuti nyika irambe iri pasi petsoka dzedu.

Ichokwadi kuti tine matambudziko mazhinji panyoka ino (Johani 16:33).semakristu, tinogamuchira matambudziko eupenyu sezvaanouya ari. Asi panguva imwechete iyoyo tinofanira kuona chokwadi chesimba raMwari pamwechete nechivimbiso chake. Mumatambudziko imomo mune chikonzero chatinoona chekukunda kwedu. Tichava naKristu munguva duku inotevera. Rufu rwemukwistu runofanira kuunza mufaro kune vamwe vose vanotenda nekti tinenge tichiziva kuti menhu iyeye ave kundogara kune imwe nzvimbo yakanaka.

Munamato: Ndinokutendai Jesu Kristu nekugadzira musha wakanaka kune avo vakatenda kwamuri. Ndinofara kuti ndiri pakati pevanhu avo vanotenda kwamuri. Ndinonamatira simba rekukunda nyika ino kuti ndizovakowo kumusoro kudenga. Wedzeraikutenda kwangu mazuva ose, nokuda kwedenga ratichazogara. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaFiripi 1:23| 1 VaTesaronika 4:17| VaFiripi 3:20| 1 Johani 3:1-3.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

Jesu akanga achiziva kuti vadzidzi vakanga vari pakushungurudzika zvikuru nepfungwa yekuenda kwake. Asi anovasimbisa nedzidziso iri maringe nezva Mweya Mutsvene uyo aizova mubatsiri wavo. Mweya iwoyo ndiwo waizova chiedza panzira dzemunhu wese aizotenda kuna Jesu. Chivimbiso chaJesu pamusoro pekugadzirwa kwemusha wekudenga nechivimbiso cheMweya Mutsvene kunopa kunyaradzwa nekubatsirwa kukuru. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pamusoro pekuteerera chiri chiratidzo cherudo zvinotsanangura ukama hwedu naMwari.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL