Simba Mukumuka KwaKristu KuvakafaChikamu

Simba Mukumuka KwaKristu Kuvakafa

DAY 1 OF 3

Kumuka KwaKristu

Jesu wakakunda rufu akaratidza kuti ane simba pamusoro pemasimba ose enyika. Mashoko aJesu mumagwaro akaratidza pachena kuvanhu nemunyika kuti ani naani anotenda kwaari achaponeswa. Kazhinji zhinji muupenyu tinoshushikana neatinoti matombo makuru eupenyu. Tinofanira kutarisa kuna Mwari. Tinofanira kuona kuti iye Mwari naJesu vakatikungurutsira kare matombo eupenyu anotitambudza. Izvo zvose zvingade kuvharidzira basa redu rekushumira zvakabviswa kare nesimba rekumuka kwaKristu. Chii chaungatya? Rangarira kuti Jesu akaita zvinoshamisa,zvisingakwanisike nemunhu, kumuka kubva kuvafi zvakare ane simba rekupa vanhu upenyu nekuzara kwawo.

Rufu rwake, ruvigo nekumuka kwake ndicho chisimbiso cherutendo rwedu neukama hwedu naMwari (1 Vakorinde 15:1-4). Kumuka kwaJesu kunobudisa pachena kuti ndiye mwanakomana waMwari. Tikatora nguva yedu kuongorora zvakapoteredza rumuko rwaJesu, rutendo rwedu ruchaava nokusimukira matiri. Nokuda kwekuti Kristu wakamuka,ngative neushingi wekuparidza kuti Iye mupenyu. Chokwadi kutya kwakambobata vadzidzi Kristu asati amuka, mushure mekunge amuka, ivo vadzidzi vamwechete vakava nokuparidza Jesu pachena vasisisna kutya. Kunyangwe nanhasi, rumuko runoratidza nekusimbisa chokwadi chekuti Jesu ndiye Mukundi.

Munamato: Ishe Jesu tibatsirei kuti tinzwisise shoko remuchinjiko, rekumuka kwenyu kuvafi nekunzwisisa simba renyu reruponeso rapamuchinjiko, kuti tkwanise kutenda kwamuri nekukwanisa kuwanawo ruponeso muna Kristu. Mweya wenyu ngautibatsire kururama nekunzwisisa nzira yose yekuponeswa kuti tizova vagari veumambo hwenyu. Muzita raJesu tinonamata. AMENI

Zuva 2

About this Plan

Simba Mukumuka KwaKristu Kuvakafa

Tinorarama nesimba raKristu raakatikundira naro kubva mukumuka kwake- akashandura kutya ukava mufaro, kusatenda kukava kutenda, kushushikana kukava tariro. Ishe vamuka vanotuma avo vanomutevera kuenda nenyika kundoparidza evhangeri, achivapa simba, kunyangwe nesuwo tikava vatakuri veshoko iri retariro yekumuka kuenda naro kunyika.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL

Zvirongwa zvakada kufanana neichi