Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

ZUVA 3 REMAZUVA 7

"Mutyairi wechokwadi"

Nzira imwe yekurondedzera nezvaJesu kuti ndiye mununuri ane chinangwa chekununura vanhu. Jesu paanoti, "Ndini nzira nechokwadi uye neupenyu," haana kuti, “Ndini imwewo nzira nechimwe chokwadi uye umwewo upenyu.”

Mubvunzo wedu kwaari wakafanana nemubvunzo wedu kumutyairi wendege kana chikepe chatiri nekuti tinoda kuziva, "Ndiwe here mutyairi chaiye chaiye (Mwanakomana waMwari)?"

Apo hupenyu hunoenderera kumberi, vazhinji vedu vanopera rudo pamubvunzo uyu. Vazhinji vedu tinogadzikana nukuwana chigaro chakanaka mundege. Uye vazhinji vedu hatisikutarisa kuzoparara kwedu nechichipimo chine hudzamu chatingashandisa kana chikepe chedu chava kunyura. Asi kuva nechivimbo kumutyairi ndipo pane nyaya yese pamibvunzo miviri iyo.

Muchikepe, kuvimba (kana kusavimba) kwako nemutyairi kunobudisa musiyano mukuru. Zvimwechetewo naJesu. Kana pari pakununurwa, tinogona kuti, "Ndinongoti chero zvazvaita." Ehe, tinodaro zvedu kana tichida, asi kana ari mutyairi chaiye, uya anoziva zvese zvingawanikwa mukurarama, kureva kuti anoziva nzira dzese.

Zvichida pauchatanga kuita ongororo yekuti Bhaibheri rinoti chii pamusoro paJesu, uchatanga kuzvibvunza kuti, "Ndinotenda here kuti anoziva nzira?"”

Kana uchiverenga chirongwa ichi, unave kahausati wasvika pachinhanho chekuti ehe kumubvunzo uyu. Kana kuti wakatoti,"Ehe, ndinotenda. asi ndine imwe mibvunzo." Kana uriwe, tinewe uye tiripo. Mibvunzo yako ngairambe ichiuya. Mibvunzo yakanaka, ndiyo inoita kuti tikure. Kusagutsikana kana kusava nechokwadi hazvisi zvitsva.

Toti unobvuma kuti Jesu anoziva nzira. Kana ichi chiri chokwadi, mubvunzo wako wekutanga ungava wekuti, "Ndoita sei kuti nditange kutevedza nzira iyi?"

Apa Jesu anotishamisa. Haati, "Tevera izvi." Anoti, "Tevera ini." Mutyairi wechikepe haana kutiratidza mepu. Jesu anozvinongedzera, uye otidana kuti titsungirire kutevera nzira tese.

Zuva 2Zuva 4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Start Here" (Tangira Pano) rakanyorwa naDavid Dwight na Nicole Unice.

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/