Munamato
Munamato
Dzidza kuti unonamata sei zvakanaka, zvese kubva kuminamato yevakatendeka uyekubva pamashoko aJesu. Tsvaga kurudziro yekuramba uchiendesa zvikumbiro zvako kuna Mwari mazuva ose, nekutsungirira uye nekushivirira. Ongorora mienzaniso yeminamato isina chinhu, yekuzviruramisa, ichienzaniswa neminamato yakachena yevaye vane mwoyo yakachena. Namata nguva dzose.
Kuratidza Simba Rekutenda
Chitsauko chechitatu chaMabasa chinotiratidza kukura zvine simba kwerutendo muna Jesu. Kubva pakuporeswa kwemurume akaremara kusvika pakuparidza kwaPita tinoona vaapositora, vachisundwa neMweya Mutsvene kuva vashandiri vanobuditsa pachena ukuru hwesimba raMwari. Zvinotisimudzira kuti tibatirire kusimba reruponeso nerudzikinuro rwatakapiwa naKristu, sezvazvakaitwawo kuvanhu veJerusarema.
Kuziva Mwari Anogara Nekusingaperi
Jesu anoratidza rudo nekubatikana pamusoro peavo vaimutevera. Munyengetero wake unopa kushinga kune vatendi, mukuva neumwechete hwaanoda kwatiri iye achitimiririra. Kubudikidza nemashoko aJesu, tine udzamu weukama hwatinoona hwaMwari neMwanakomana nechinangwa chebasa rake panyika ino. Munyengetero wake unotikokera kuti tive nekunzwisisa kwakadzika pakubatana, kutenda nerudo murwendo rwedu naKristu.
Nangana Neruponeso Rwako
Zvinoremera vanhu vazhinji kushanduka uye hazvina kujairika kuvanhu vazhinji. Vazhinji vedu tinozvigadzirira nzvimbo dzakafarukana asi dzisiri dzakanaka tobva taona sokunge zvinhu zvose zviri kuendeka zvakanaka. Nhasi uno mumwe nemuwe anofanira kuona nekutarira chingada kushandurwa paupenyu hwake.ndepapi pawakazvigadzirira ugaro hwako? Tose tinofanira kukumbira Mwari kuti vatibatsire kuti upenyu hwedu ugoshanduka kubudikidza nekuteerera shoko raMwari tichibatsirwa naMweya Mutsvene.
Simba Remunyengetero
Chikamu chendima iyi chinobuditsa pachena simba raMwari nekukunda zvinesimba pamusoro penzira dzeuipi dzingashandiswa nemunhu. Kunyange pakutarisana nekutambudzwa, Mwari vanenge vari pakutonga. Mwari vanopa nzira yeruponeso nekutonga kwakarurama. Minamato yevatsvene inotionesa kukosha kwekubatana kwevatendi paminyengetero muupenyu hwekereke. Mwari vanodzikinura vatendi, saPita, kubva mukutambudzika.